Chikafu chevana chavepo: Dokora

HURUMENDE yakatenga matani 40 000 echibage ayo achashandiswa muchirongwa chekuwanisa vana vechikoro vanosvika 3,2 miriyoni zvekudya muzvikoro kutanga mwedzi uno.

Izvi zvinotevera kusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno izvo zvakasiya matunhu akawanda enyika atarisana nenzara.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti chirongwa ichi ndechekuwanisa zvekudya kuvana vanobvira kukireshi kusvika Grade 2.

Chinotarisirwa kusvika kuvamwe vadzidzi vepuraimari nesekondari gore rinouya.

“Tinoziva kuti tinoda matani 37 000 kana kuti 40 000 echibage patemu kuti tichiendese muzvikoro zvedu zvose zviri kumaruwa. Tiri kutarisira kuwanisa zvekudya kuvadzidzi vanodarika 3,2 miriyoni kuti vange vachibatsirwa panovhurwa zvikoro.

“Vadzidzi vemumaguta havasi kuzopinda muchirongwa ichi asi tichange tichitarisa mawadhi akadai seari kuEpworth neCaledonia uko kwakagariswa vanhu patsva,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti vana vechikoro vachapihwa sadza pazuva sezvo vamwe vari kuenda kuchikoro vasina chavadya izvo zviri kukonzera kuti vasiire chikoro panzira.

“Vadzidzi havasi kuzopihwa chikafu chekuti vatakure kuenda nacho kumba asi kuti vachapihwa sadza kamwe chete pazuva. Kune zvimwe zvinhu zviri kubva kuvatsigiri zvakadai sebhinzi, mupunga uye munharaunda dzine zvikoro zvatichabatsira tichatokumbirawo vamwe vane kudya kwavanoda kupa kuti vatsigire,” vanodaro.

Vanoti dare reCabinet munguva pfupi yadarika rakaita chisungo chekuti pave ne$200 miriyoni iyo ichabatsira muchirongwa ichi zvichitevera nzara iriko.

Zvakadai, sangano reFood and Agricultural Organisation (FAO) rakaparura chirongwa chekusimudzira kuwaniswa kwekudya kwakakwana munyika richitsigirwa nereWorld Health Organisation (WHO).

Vachiparura chirongwa ichi, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana Dr Gerald Gwinji vanoti chikafu chakakosha zvikuru uye chinofanira kuongororwa kuti chisave nenjodzi kuutano hweveruzhinji. – The Herald.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×