‘Ndikadhakwa ndinonzwa kuda kurova baba’

Amager Mufema
VAMWE baba vanoti vatambudzwa zvikuru nemwanakomana wavo uyo anovarova nekuvabira motokari yavo achienda nayo kunosasana neshamwarikadzi dzake.

Enock Farai Chawafambira akamhan’arira Shingirai Chawira kuHarare Civil Court ndokuudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti:

“Ndapoterawo kuno kudare ndichikumbira gwaro redziviriro nekuti ndikasadaro ndinooneka nyika masikati machena. Mwana wamunoona agere apa uyu andibatisa chitsvuku.

“Pose paanodhakirwa anondirova, kundituka nekuba mota yangu achienda nayo kumagirlfriends ake. Zvekuba mota akazvitanga mushure memwedzi mitanhatu amai vake vashaika.

“Akapotsa atouraya vanhu vatanhatu nemota iyoyo apa haana matsamba ekutyairisa saka ndinokumbirawo kuti dare rindipe gwaro redziviriro nekuita kuti mwana uyu abve zvake pamba pangu otsvage kumwe kwekuenda. Ini handichakwanise kugara naye.” Akaenderera mberi nekuudza dare kuti Shingirai akangotambira mari chete haachatooneke kumba nekubasa.

“Shingirai akangotambira bedzi, haachatode kuenda kubasa nekuuya kumba. Ndinogaromutaurira kuti mwanangu vakadzi nedoro hazvina kutanga nhasi, zvakagara zviriko. Asi ndave kutoona kuti ndiri kutaurira munhu akaisa zvitanda munzeve,” akadaro Chawafambira.

Chawira haana kupokana nezvakataurwa nababa vake.

“Handipokane nezvose zvataurwa nababa. Handitozivewo kuti ndoita sei mambo wangu nekuti pose pandinonwira doro ndinongonzwa kuda kurwisa baba nekutora mota yavo ndoenda nayo kumagirlfriends angu tichinonwa nekugocha kunzvimbo dziri kure,” akadaro.

“Handipokane nechikumbiro chababa chekuti ndibve pamba pavo asi ndinokumbirawo kuti dare ripe mutongo wekuti ndizobvawo mushure memwedzi miviri nekuti iko zvino zvinhu hazvina kumira mushe.”

Mutongi Siwardi akapa Chawafambira gwaro redziviriro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×