Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuKenzamba, kuMakonde kudunhu reMashonaland West vakasunga Eustyn Moyo (33) wekuNyajena Mine kunharaunda imwechete iyi nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuedza kuponda mushure mekupisa imba yaive irere mukadzi waimbodanana naye apo aive nemumwe murume.
Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti nemusi wa12 Mbudzi nenguva dza9 manheru, Watson Kazembe (29) wekuPatchway kuKadoma akashanyira shamwarikadzi yake, Barbra Zimbiti (22), wekwaSabhuku Mutowa kuChehonye kuKenzamba.
Vanoti vaviri ava vakaenda kunorara nenguva dza0200 hours, apo vemhuri yemudzimai uyu vakazomutswa vanzwa ruzha rwaibuda kumba kwairara Zimbiti.
“Vemhuri iyi mushure mekunzwa ruzha vakabva vamuka ndokumhanya kunoona zvaiitika apo vakanoona imba iyi yose yakaputirwa nerimi remoto. Vamwe vagari vemumusha uyu vakazoziviswa ndokumhanyawo kunonunura vakabva vasvikodzima moto uyu wakasiya vaviri ava vaine maronda miviri yose ekutsva,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoti vaviri ava vakabva vamhanyiswa kuendeswa kuchipatara cheChinhoyi Provincial Hospital asi vakasvikodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko vari kurapwa.
“Mapurisa akazotanga kuferefeta ndokuwana mashoko ekuti pazuva rakazoitika nyaya iyi, Eustyn Moyo akanga aonekwa achishanyira Barbra Zimbiti apo vakanzwikwa vachikakavadzana nekuda kwekugovana midziyo sezvo vaviri ava vanonzi vaimbodanana,” vanodaro Insp Kohwera.
Zvakadai, mapurisa ari kukurudzira veruzhinji vane ruzivo chairwo rwezvakaitika kuti vaendese mashoko kuna Officer-In-Charge weKenzamba ZRP kana kuzivisa chero mapurisa ari padyo navo.
“Semapurisa, tinoramba tichikurudzira nekuyambira ruzhinji kuti vatsvage nzira dzekuyanana mune zvakanaka kana paine zvinonetsa pakati pavo pane kurwisana kana kuedza kupondana. Rudo rwunotanga uye rwunogonawo kupera nekudaro hapana chikonzero chekurwisana, munhu unogona kuzosangana nemumwe anokugutsa murudo kudarika wawakasiyana naye,” vanodaro Insp Kohwera.



