Chikoro chekuUzumba chakaparadzwa nedutu

Kingstone Mapupu
MVURA yaive nedutu guru yakaparadza matenga edzimba dzekudzidzira pamwe nedzevarairidzi zvinokosha $3 000 pachikoro cheMusanhi Primary School, kwaNyajina kuUzumba nguva pfupi yadarika.Mai Gladys Pingari (54), avo vanova nhengo yekomiti, yeSchool Development Association (SDA) pachikoro ichi, vanoti kuburikidza nekuparadzwa uku, vana vave kudzidzira pasi pemiti sezvo makamuri akanaka ekufundira ave mashoma.

“Dzimba dzekudzidzira dzakaparadzwa dzinosanganisira dzeGrade 2, 3 ne4 uye izvi zvakaitika musi weMugovera wakadarika pamberi.

‘‘Mhanza yedu kuti yaiva ‘weekend’ vana vasipo, pangadai pakakuvara vamwe sezvo marata nemapuranga akasimudzwa achinokandwa chinhambwe,” vakadaro Mai Pingari.

Mashoko avo akatsinhirwa neimwe nhengo yekomiti, Mai Susan Tamangani (55), avo vakati vari kutsvaga rubatsiro zvichitevera dambudziko rakavawira iri.

“Takazongoshevedzwa tichinzi denga rechikoro ratorwa. Kumamwe makamuri anodzidzirwa, mariji chete ndiwo akabviswa.

‘‘Tinotsvagawo rubatsiro rwemapuranga nemarata nezvipikiri kuti tikwanise kuturikira dzimba idzi,” vakadaro.
Vanoti vanoda mari ingangosvika US$3 000 yekutenga midziyo yekuturikisa dzimba zvakaparadzwa izvi.

“Pakatorwawo imba yemudzidzisi uyo aisavapo mvura iyi ikaparadza midziyo yake, mabhuku evana ekuverenga neekunyorera,” vakadaro.

Chikoro ichi chine vana vanodarika 600. Vanoda kubatsira chikoro ichi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 914 803 votaura naMai Manhanga.

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×