Science ichatangira kupuraimari: Dokora

HURUMENDE inoti zvidzidzo zveScience zvichange zvave kuitwa kubvira padanho repuraimari nedonzvo rekuti vana vave nechido chekuita zvidzidzo izvi vachiri vadiki sezvo zvichibatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.Vachitaura pakupihwa kwemabhuku, zvimwe zvekushandisa mukudzidza pamwe nemabhasikoro neveJokonya Trust kuchikoro cheNhidza Primary chiri kuChivhu nguva pfupi yadarika, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vakati danho iri richabatsira mukusimudzira zvidzidzo zveScience muzvikoro.

“Muzvikoro zvepuaraimari tave kupa maScience Kits,” vakadaro.

“Nguva yadarika vamwe vaibvunza kuti sei tichida zvidzidzo zveScience kupuraimari. Isu tiri kuti zvidzidzo zveScience zvinofanira kutangira kupuraimari kuitira kuti vana vave nehwaro hwakasimba hwezvidzidzo zvakadai.

Hazvisi zvidzidzo zveScience chete, asi kuti nezvekurimawo zvichatangira kupuraimari zvakare,” vakadaro Dr Dokora.

Vanoti bazi ravo riri kuita hurukuro neIran nechinangwa chekuti nyika iyi ibatsire Zimbabwe mukugadzirwa kwemaScience Kits.

Dr Dokora vakati bazi ravo rakazvipira kuvandudza ruzivo rwevadzidzisi veScience kuburikidza nechirongwa cheTeacher Capacity Programme Science, Technology, Engineering and Mathematics (STEM) kuitira kuti vagorerukirwa mubasa ravo.

“Tine vakadzidzisi 2 500 vakatambirwa kumayunivhesiti akasiyana kuti vaite zvidzidzo izvi pane 16 500 avo vakange vanyorera vachitsvaga nzvimbo.”

Zvakadaro, mazvikokota munyaya yedzidzo avo vaimbove gurukota reHurumende, Dr Sikhanyiso Ndlovu vakarumbidza chirongwa ichi vachiti kudai chakabvira kare chichiitwa nekuti chinobatsira zvikuru.

Zvisinei, munyori mukuru werimwe remasangano anomirira vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vakapa mafungiro akasiyana vachiti:

“Chinhu chakakosha kuziva ndechekuti haazi mwana wose achazove nyanzvi yezveScience (scientist).  ‘Saka ngativei nechokwadi chezvatinoda kubura muchikamu chedzidzo.”

Vakati bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinofanirawo kutanga ranzwa mafungiro evadzidzisi risati ratanga zvirongwa zvakadai nekuti vana vekupuraimari vakagara vachiita zvidzidzo zvakawanda izvo zviri kuvaremera.

Vachitaura vakamirira sangano reJokonya Trust, mwanasikana wevaimbove gurukota reHurumende pamwe negamba renyika, Ambassador Dr Tichaona Jokonya, Dr Chiedza Jokonya avo pari zvino vave kugara kuUnited States, vakati vakazvipira kubatsira Zimbabwe.

Vakati vakatanga sangano iri senzira yekurangarira baba vavo uye vacharamba vachibatsira vanoshaya munyika.  — The Herald.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×