Chikoro chitsva kuMuzarabani

SANGANO rakazvimirira reOpen Heart Disability Trust, iro rinomiririra kodzero dzevanhu vakaoma mitezo, rakavhura chikoro chinodzidzisa vana vakaremara kubvira paEarly Childhood Development (ECD) kusvika Grade 7 kwaChawarura, kudunhu reMuzarabani.Muhurukuro nemukuru wesangano iri, VaKiverson Savah, vanoti vakaona zvakakosha kusimudzira dzidzo yevakaremara mitezo.

“Kuwana dzidzo ikodzero yemwana wose, zvisinei nekuti akaremara. Tiri kushanda nevebazi reSocial Welfare mukubatsira vakaoma mitezo.

“Patakavamba, taibatsira vemazera ose nechikafu, mbatya nekuchengetedza utano asi takaona zvakakosha kuti tibatsirewo vana munyaya dzefundo,” vanodaro VaSavah.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chikoro chedu chiri kutangira paECD kusvika Grade 7. Tine tarisiro yekusvika sekondari nekuvhura vocational training school yemabasa emawoko.”

Vanoti zvakakosha kuti Hurumende isimbaradze matanhu ekuti vana vakaremara vawane fundo seavo vane mitezo yakakwana.

VaSavah vanoti ivo nemudzimai wavo, Ndakatsikei, vakatoita zvidzidzo zvepamusoro zvine chekuita neraramo yevakaremara mitezo kuitira kuti vakwanise kubatsira zvizere. “Nedonzvo rekuvandudza upenyu hwevakaremara, zvakatipa shungu dzekudzidza Bachelor of Science Honours Degree in Special Needs Education, tikazoita Masters in Special Needs Education uye iye zvino tave kutanga PHD in Special Needs Education neGreat Zimbabwe University tiri tose nemudzimai wangu,” vanodaro VaSavah.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *