GRADE 7: Mamiriro ebvunzo

Ticha Danga
TAPINDA tapinda mugwaro rechinomwe. Chinhu chese chine mubairo wacho muupenyu uye vakuru vanoti apunyaira haashayi misodzi. Kana ukamira-mirawo kubva gore richitamga kudai kusvika panonyorwa bvunzo unofanirwa kubuda nechouviri chete.

Tinoda zvino kutarisisa kuti ko iro bvunzo iri rakambomira sei kuti tigoziva kuti chatiri kuvavarira chacho ndechipi.

Tisati taongorora zvose zvatinofanirwa kuverenga pagwaro rechinomwe, ngationgorore mamiriro achange akaita pepa rebvinzo tozopinda muuremu hwacho.

Pepa 1 ibvunzo dzinonyorwa mukati meawa imwe chete nechidimbu (1 1/2hrs). Pepa irori rine mamakisi makumi mana (40). Pamamakisi makumi mana apa panewo enzaniso, iri pepa rine mibvunzo ine mhinduro dzakapihwa kare zvekuti vana vanongosarudza mhinduro dzavaona dzinokodzera. Vana vanotarisirwa kupindura mibvunzo yose.

Pepa iri rinogona kutora mibvunzo kubva kwakawanda. Tine mupatsa wetsumo dzakawandisa uye dzinouya nenzira dzakasiyana.

Dzimwe nguva vana vanobvunzwa mazadzisirwo etsumo zvinoreva izvo kuti vana vanofanirwa kugona kuzadzisa tsumo dzakawanda nekuti dzinouya pabvunzo hapana anodziziva.

Vana vanofanirwa kuzadzisa tsumo dzakasiyana uye dzakawanda zvichibva mumagwaro nekumba. Anogona zvakare kunzi atsanangudze tsumo dzakapihwa, ndipo panouya dambudziko guru nekuti vazhinji vanongoziva kuzadzisa tsumo asi kuti vazodzitsanangudza panove nedambudziko.

Bvunzo rePepa 1 rinogona kubvunza nyaya yemadimikira, zvoreva kuti vana vanofanirwa kuva neruzivo rwakakwana rwamadimikira.

Pepa irori rinoburitsa nyaudzosingwi kuti dzizadzise pakashama. Nyaudzosingwi dzinozonetsera kuti dzinoiswa dzakada kufanana.

Ipapo mwana anotamba nhova kana asina ruzivo rwakakwana rwenyaudzosingwi. Saka vana vanofanirwa kupihwa nekudzidziswa hwaro hwakakura hwenyaudzosingwi.

Rinogona zvakare kutora vana vemhuka sekuti mwana wembeva anonzi chii.

Izvi zvinoda mwana wacho akadzidzira izvi nekuti mhuka dzakawanda uye vana vadzo vanodanwa zvakasiyanawo. Ndopa muenzaniso wekuti mwana wembeva anonzi uhwerere. Vamwewo vanoti mwana wembeva anonzi manditeya.

Iroro pepa rinogona kubvunza zvemitupo chaizvo nokudaro vana vanofanirwa kudzidziswa nezvemutupo nezvehukama.

Tobata Pepa 2. Iri rinonyorwa mukati meawa nechidimbu (1 3/4 hrs). Pepa iri rine mamakisi makumi matatu 30. Rinowanikwa riri muzvikamu zviviri, A neB. Chikamu A chinenge chiine musoro mishanu yerondedzero idzo dzinenge dzichisanganisira tsamba.

Mwana anotarisirwa kusarudza musoro mumwe chete wenyaya onyora nezvawo. Musoro werondedzero unotakura mamakisi makumi maviri (20).

Ndipoka pane nyaya ipapa, parondedzero nekuti ndipo panofira vana vokawanda. Panoda vana vakarungwa vakakwana.

Nyaya yerondegzero inobata vana vakawanda mukuda kuyevedza pfungwa dzemukwenyi kuti agopa goho rakawanda kupfuura vamwe pamusoro mumwe chete.

Rondedzero inopa goho guru irondedzero yakaringana yakarungwa nezvirunga mutauro zvakakodzera.

Mukunyora rondedzero panotariswa hutsanzi hwemwana akatarisana nevamwe vanyora uyu musoro wenyaya.

Bepa 2 irori rine bandiko renzwisiso. Bandiko renzwisiso ndicho chikamu B apo vana vanotarisirwa kupindura mibvunzo zvakanaka nezvirevo zvakazara. Chikamu chinotakura mamakisi gumi (10).

Panotariswa zvakare mashandisirwo epfekedzo kunyanya zvimiso. Nokudaro ipepa rinoda vana vaya vanonyora vakaisa pfungwa pamwe chete.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×