Chikoro choita zvekurima

CHIKORO cheSt Marnocks Primary School, chiri kuMt Hampden pedyo neHarare, chiri kusimbaradza zvidzidzo zvemabasa emawoko kuburikidza nekufundisa vana kurima chibage nedzimwe mbesa.

Mukuru wechikoro ichi, VaMichael Mashiri, vanoti kunze kwekudzidzisa vana, mabhindauko akadai anovabatsirawo nekuvawanisa mari yekufambisa mabasa akasiyana epachikoro kana vatengesa zvavanokohwa.

Vanoti pari zvino vakarima chibage mumunda wakakura mahekita mana.

“Munda wechikoro wakakura mahekita mana uye tinokumbira kuvakuru vemuno kuti vatipewo mumwe mukuru sezvo tiine chinangwa chekusimudzira chikoro chedu kuburikidza nemabasa ekurima,” vanodaro VaMashiri. Vanoti vane hurongwa hwekuti chibage chavachakohwa vakatengesa, vachazoshandisa mari yacho mune mamwe mabasa epachikoro.

“Chibage chedu chakanaka zvikuru. Tine hurongwa hwekuti nekufamba kwenguva tinoda kuita chekudiridzira sezvo mvura iripo pachikoro pano uyewo nemagetsi,” vanodaro.

VaMashiri vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidziswe mabasa emawoko sezvo vamwe vavo vanogona kuzowana raramo kubva maari mune remangwana. “Tine zvirongwa zvakawanda zvinoda mari saka chirongwa ichi chichatibatsira kuti tiwane mari.

“Nekutanga kwatakaita kurima, tinotarisira kuti ticharamba tichiita mamwe mabasa akasiyana ekuti tizviwanire mari sechikoro. Tinotenda zvikuru kambani yeSeed Co iyo inogara ichitibatsira nezvakasiyana pachikoro. Tinotarisira kutanga kurima tichidiridzira munguva pfupi iri kutevera apo tinodawo kubatsirwa nenyanzvi pakuisa mapombi ekudiridzira nezvimwe,” vanodaro.

VaMashiri vanoti pachikoro pavo panodzidza vana vanobva kumhuri dzinotambura nekudaro ishungu dzavo kuti varime zvimwe zvirimwa zvekuzopota vachivabikira kudya kuti vagodzidza vakaguta.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *