Vopemberera rurimi rwaamai

Tandayi Motsi
SANGANO rakazvimirira rePamberi Trust neMugovera uno richaita dopiro rinopindwa pachena muguta reHarare revaimbi vechidiki apo richapemberera zuva rekukosha kwerurimi rwaamai pasi rose, reInternational Mother Language Day, pamwe nekutunzvaidza bepanhau reKwayedza nebasa guru rariri kuita mukusimudzira mutauro wechiShona.

Zuva iri rinopembererwa musi wa21 Kukadzi gore rega-rega.

Muchinyorwa chakabva kusangano iri, Pamberi Trust Youth Development Projects Officer, Hector Mugani, anoti dopiro iri richange riri panzvimbo yePamberi Trust Gardens panhamba 90 Selous Ave pakati pemigwagwa ya8th and 9th kubva nenguva dza3 masikati kusvika na6 manheru.

Zvikwata zvinenge zviripo zvinosanganisira zvemisambo yeFunky Jazz, Afro-fussion pamwe naTariro neGitare.

“Ipapa tinotarisira kutenda bepanhau reKwayedza mukusimudzira kwaro mutauro weShona,” anodaro Mugani.

Anoti chiitiko ichi chinoenderana nedonzvo ravo rekukurudzira kudyidzana kwevanhu kuburikidza nekusimudzirwa kwetsika nemagariro.

“Zvakakosha kuziva kuti mune simba mukutaura kuburikidza nemurimi rwaamai,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *