Chikwambo chine tsamba patawindi . . . ‘Portia uri mukadzi wedu, tichapedzerana gore rino’

VAGARI vekuEngineering, kuHighfield muHarare, vakapera mate mukanwa mangwanani emusi weMuvhuro svondo rino apo vakafumoona chinhu chinonzi chikwambo pachivanze cheimwe imba icho padivi pacho pakange paine tsamba.
Chinhu ichi chaive chakasonererwa vhudzi serewivhi inoiswa semucheno wemumusoro nevanhukadzi, machira matsvuku uye chiine zviyo netsamba yaiva yakanyorwa kuti: “Portia uri mukadzi wedu . . . tichapedzerana newe gore rino”.

MAI Jestina Mutasa vachitaridza panonzi pakaonekwa chinhu chainzi chikwambo. - Mifananidzo: Memory Mangombe
MAI Jestina Mutasa vachitaridza panonzi pakaonekwa chinhu chainzi chikwambo. – Mifananidzo: Memory Mangombe

Mai Jestina Mutasa, avo vanogara panhamba 149 Engineering, apo pakawanikwa chikwambo ichi, vanoti vakashaya neremuromo nekuda kwechiitiko ichi.

Chikwambo ichi zvose netsamba zvakazopiswa nemamwe maporofita anonzi akadarika nepamba apa panguva yazvakaonekwa.

Mai Mutasa vane fungidziro yekuti aya mabasa ehama dzemurume wavo, Brian Mutasa, uyo anove mushakabvu, sezvo vari kugara vakatsvukisirana maziso nekuda “kwezvikonzero zvakawanda”.

NZVIMBO yakapisirwa chinhu chainzi  chikwambo
NZVIMBO yakapisirwa chinhu chainzi chikwambo

Vobvunzwa neKwayedza kuti Portia akange akanyorwa mutsamba yaive padivi pechikwambo kana kuti chidhoma ichi ndiani, vakati havamuzive.

Mai Mutasa, sekutaura kwavo, vanoti vane dambudziko rakakomba sezvo vakaudzwa kuti tezvara vavo, avo vanove mushakabvu zvakare, vakavashereketera kushamwari dzavo dzinove dzerudzi rwechiChewa.

Vanoti tezvara ava vakambovapfimba pakafa murume wavo asi vakaramba. Kubvira pakafa murume wavo makore 15 adarika, Mai Mutasa vanoti havasati vambopfimbwa nemurume nekuda kwekushereketerwa uku.

TSAMBA yakange iri panzvimbo imwe chete nechinhu chainzi chikwambo
TSAMBA yakange iri panzvimbo imwe chete nechinhu chainzi chikwambo

Mai Mutasa vanoti apo tezvara vavo vakatanga kuvapfimba, ndipo zvakare pavakatanga kushushwa nehama dzemurume wavo zvekuti vakasvika pakumbotama pamba pavo.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti tezvara ava vakavagadzira nemishonga yekunze kwenyika sezvo zvichinzi panguva iyo vakashaya makore mashoma adarika vakasiya vareurura kune mukoma wavo vachiti vaishuvira kusiya vasunungura muroora wavo.

“Pamba ndainge ndatombobva ndikaisa maroja asi munongozivawo zvinhu zvacho, ndine zvikukukutu zvekuti ndikakuudzai zvinozondipesanisa nehama dzemurume wangu,” vakadaro Mai Mutasa.

“Nyatwa yose yakatanga panguva iyo murume wangu ashaya makore anokwana 15 akadarika. Tezvara vakatanga kundipfimba uye pandakaramba vakati vanoda kundigadzirisa.”

Mai Mutasa vanoti vakambonyorera dambudziko ravo vachitsvaga rubatsiro kuchimwe chirongwa chinobuditswa paimwe nhepfenyuro yemuno vachitsvaga rubatsiro, uko vanoti vakanzi vaisafanira kufugura hapwa pazere vanhu nokudaro vakanzi vanotaurirana nehama dzemurume wavo kuti nyaya iyi ipere mune zvakanaka.

Vanoti pamba pavo dzimwe nguva vanonzwa sepanofamba munhu pamusoro pemba kana kuti magonhi achiita seanovhurwa zvisinganzwisisike.

Vanoti zvakare hapana chavanobata nemawoko avo chinobudirira muupenyu.
Mai Mutasa vakademberera Kwayedza kuti isabuditse nyaya iyi vachiti vaigona kuitwa kanyama-kanyama nehama dzemurume wavo idzo vakati dzinoda zvemhirizhonga.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×