Chimoko chobvarura mabhurugwa

Lizzy Mushoriwa

MURUME wekufurufushwa neshamwarikadzi yake – iyo anoti inomutevera kubasa ichimubvarura matirauzi pamberi pevaanoshanda navo zvichiita kuti asare akashama – akazopotera kudare.

Munyaradzi Muchena akaendesa Nicole Williams kuHarare Civil Court achiti atambura nezvaanoitwa.

“Changamire, ndauyawo nemukadzi uyu kuno kuti mundibatsirewo, ndanzwa nekushungurudzwa. Anouya kubasa kwangu achindituka uye kutuka mukadzi wangu achimutyisidzira. Zvakare, ari kuramba kubva pamba pangu paakauya kuzogara nechisimba kusvika mukadzi wangu andisiya,” anodaro.

“Mukadzi uyu ane mhirizhonga. Akambouya kubasa kwangu akandirova uye kubvarura bhurugwa rangu ndikasara ndakashama pane vanhu. Ndakamuudza kuti abve pamba pangu ndinomutsvagira kwekugara kusvika azvara asi haasi kuda,” anodaro Muchena

Williams anopikisana naMuchena achiti ari kunyepera dare.

“Anonyepa, akarambana nemukadzi wake kare kare. Ndakamuudza kuti ndadzingwa kumba nekuda kwenhumbu, ndipo pega pandakaenda kubasa kwake ndichida kuenda kumba kwake.

“Iye ndiye anotondishungurudza nekundirova nenhumbu iyoyi, nhamba dzemukadzi wake handitombodziziva,” anodaro Williams.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muchena gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *