Chirongwa bspz chorumbidzwa

Malven Mugadzikwa naYvonne Manyanja
CHIRONGWA chekusimudzira dzidzo cheBetter Schools Programme Zimbabwe (BSPZ) chinorumbidzwa nebasa rachiri kuita mukuvandudza ruvizo rwevarairidzi izvo zvinoita kuti vafambirane nenguva.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo mupurovhinzi yeHarare (Provincial Education Director), VaChristopher Chamunorwa Kateera, apo vaivhura zviri pamutemo nzvimbo ichavakirwa kamuri yekuitira zvirongwa zveBSPZ paGreengrove Primary School.

“Mubasa rekudzidzisa, kudzidza hakuperi naizvozvo vadzidzisi vanofanira kuramba vachivandudza ruzivo rwavo. BSPZ ndiyo imwe yenzira yekuti vadzidzisi vasangane vemudistrict roga-roga vachipana mazano pamwe chete neruzivo nezvimwewo zvitsva zvingange zvamuka mubasa ravo zvine chekuita nekuvandudza zvidzidzo nemadzidziro evana. Izvi zvinobatsira vose varairidzi pamwe chete nevana vechikoro vacho nekuti vanenge vachiwedzerawo ruzivo,” vanodaro VaKateera.

“Tiri kutarisira kuti chirongwa ichi chifambe nekukasika kuti BSPZ ive nezvivakwa munyika yose kuti ionekwe kushanda kwayo mukuvandudza dzidzo yevana. Tinoda dzidzo inoenderana nenguva yatave kwete kuti vana vedu varambe vachisaririra shure.”

VaKateera vanorumbidzawo vana vechikoro vakawana mibairo nguva yadarika pachiitiko cheEpworth-Mabvuku-Tafara District Merit Awards vachiti vanofanira kuramba vachishingirira muzvidzidzo zvavo kuitira ramangwana ravo ringe rakanaka.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Education Officer weEpworth-Mabvuku-Tafara District, Dr Tendai Mavundutse, vanorumbidzawo chirongwa cheBSPZ vachiti chakakosha mukusimudzira dzidzo.

“Kana chirongwa cheBSPZ chichinge chave nezvivakwa zvichaita nyore kuvarairidzi vedu nekuti tiri kuda kuvapa dzidzo inozovabatsira pamwe nevana vavanodzidzisa. Tange takasarira kumashure seHarare asi iye zvino ndiri kufara kuti takwanisa kuparura kuti chivakwa ichi chivepo zvichaita kuti tichengetedze mari yatanga tichibhadhara kuChester House (muHarare) uko kwange kuchiitirwa zvidzidzo izvi,” vanodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×