Kugadzirwa kwekomboziti

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
ZVIRIMWA zvizhinji zvinokurudzirwa kuti zvirimwe zvisina fetiriza kana kuti zviine fetiriza shomanana kuitira kuchengetedza manakiro nehudyo muzvirimwa. Izvi zvinowanza kurudzirirwa kuzvirimwa zvemubindu. Muchinyorwa chino tinoda kubatsirana kugadzira komboziti (compost).

Komboziti inonyanya kushandiswa mumuriwo nemumaruwa. Manyowa erudzi urwu akanakira zvakawanda, anoita kuti ivhu ribatane, anobatsira kuodza ihvu, akanakira kuti anochengetedza mvura muvhu, anobatsira kuti tupembenene twemuvhu twurarame, achiita zvakare kuti mhepo inatse kufefetera muvhu. Izvi zvinoita kuti miriwo unatse kukura.

Komboziti hainetsi kugadzira, munhu chero ani anokwanisa kuigadzira.

Zvinoshandiswa:

Zvinhu zvizhinji zvinoora nekukurumidza zvinogadzira komboziti yakanaka. Munokwanisa kushandisa huswa, mashizha, masora amunenge masakura, mashizha emiriwo amunobvisa pakubika, makoko emichero yamunodya, chikafu chinenge chasara pakudya chisina mabhonzo, masamba etea anenge asara, mapepa asiri maplastic, zvimiti zvakachekwa chekwa, dota nemanyowa ezvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi, huku, mabhiza nezvimwe zvakawanda.

Zvatisingafaniri kushandisa:

· Musashandise zvinhu zvisingaori zvakafanana nemagirazi, matanda, mapepa eplastic, matombo, mabhonzo kana marata pamwe nesimbi

· Musashandise miriwo kana maruwa akapfapfaidzwa mishonga, seyemuzvimbuzi, dhibha, zvipfuyo zvakafa nechirwere kana zvirimwa zvine chirwere

· Musaise nyama pakomboziti, izvi zvinogona kushevedza makonzo nembewa

· Musashandise makanda ematapiri

· Musashandise tsvina yekatsi, imbwa kana yevanhu

Kugadzirwa kwekomboziti:

· Composit inofanira kufara mamita anoita 1,5, yoreba kuenda kumusoro mamita 1,5 asi kureba zvava kuenderena nekukura kwenzvimbo, inogona kuita mamita 1,5 zvichienda mberi, dzimwe dzinogona kureba mamita 10 kana 20 zvichienda mberi

· Kana maona kukura kwamunoda kuti komboziti yenyu iite, morovera hoka dzakasimba

· Kana muchinge mamisa hoko, vakai rupasa (layer yekutanga) rwakareba masendimita 20 kuenda pamusoro, emashanga echibage, huswa netsanga dzakaoma. Izvi zvinobatsira kuti mhepo ipinde mukomboziti ichibva nechepasi

· Pechipiri (layer yechipiri) mowaridza huswa hwakaoma nemasora

· Pechitatu (layer yetatu) munowarira huswa hwekucheka huchiri hunyoro kana miriwo yekukwanhurira

· Paradzirai kombozito moisa mapaipi maviri kana matatu pamamita 1,5 ekureba, izvi zvinobatsira kuti komboziti ifeme

· Layer yechina isai manyowa ezvipfuyo

· Moisa zvakare layer yemasora nezvimwe zvakaoma

· Mozoisa layer yemanyowa ehuku

· Munokwanisa kudzokorora malayers aya kusvikira komboziti yareba mamita anokwana 1,5

· Mapedza, komboziti inoda kudiridzwa pamazuva maviri kana matatu ega-ega asi musaise mvura yakawandisa

· Mobvisa mapombi aya kwapera mazuva maviri

· Kwapera masvondo mana, komboziti inenge isasapisi, apa inenge yaita basa rekuuraya mhodzi dzemasora, masora nemazai ezvipembenene. Munochizopindura komboziti yenyu.

· Kuti inatse kupinduka, inoda kugadzirirwa nzvimbo parutivi pekomboziti iripo nechekare sezvatakaita pakutanga, toibvisa pairi (komboziti tsaru) nemalayers ayo tichiisa panzvimbo itsva iya, tichiti layer yepamusoro ndiyo inoenda pasi yepasi yopedzisira iri pamusoro.

Tapedza kuita izvi, tinenge tatopindura komboziti.

Compost inoibva kwapera mwedzi miviri kana mitatu, tokohwa tichiishandisa mumiriwo kana mumaruwa nemuzvimwewo zvirimwa.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×