CHISHONA CHAKANAKA

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.
Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected].

Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
MuchiShona, munhu akapusa kana kuti anogaroita zvinhu zvinoratidza kunonoka kufunga, kana kusatofunga chaiko anonzi chii? Pane mazita anosvika gumi anoreva munhu akadai. Tiudze kuti ndeapi?

Zeeretsi

Fuza

Dununu

Chituta

Zungairwa

Rema

Benzi

Duutuu

Dututu

Nzukununu
* * *

MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1. Chibage chakakangwa chinonzi chii?

2. Chibage chinokangirwa pai?

3. Sei maputi achinzi maputi?

4. Tsanga dzechibage dzakafashaidzwa dzinonzi chii?

5. Chibage chakafashaidzwa chikazoomeswa chinonzi chii?

6. Muguri wechibage chakataranga kana kuti chine mavende unonzi chii?
* * *

Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×