Vanhu 27 vafa

Muchaneta Chimuka

HUWANDU hwevanhu vafa nechirwere checholera kusvika nemusi weChishanu chino hwave pa27 zvichitevera kufa kwevamwe vanhu vaviri.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vari kutenda mapoka ose ari kubatsira mukurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka ichi.

“Nhasi (Chishanu 14 Gunyana) kwafa vanhu vaviri, saka huwandu hwawedzera kuenda pa27 huchibva pa25 vanezuro. Tiri kuona shanduko mukurwisa chirwere checholera apo tiri kugadzirisa nyaya dzekuwaniswa kwemvura yakachena kuvanhu, kuwaniswa kwemishonga pamwe nekuona kuti vatengesi vechikafu panzvimbo dzisina kukodzera vambomira kuita izvi sezvo zvichikonzera kupararira kwecholera,” vanodaro Dr Moyo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *