‘Madam Boss pfeka zvaunoda’

Abel Ndooka
VATSIGIRI vanotevera Tyra Chikocho – uyo anozivikanwa saMadam Boss – vari kupa mafungiro avo akasiyana-siyana zvichitevera kubuda kwaari kuita achizvishambadza padandemutande apo akapfeka mbatya dzekutuhwinhisa uye pamwe aine kachikabudura.

Madam Boss (34) mudzimai waNgoni “Mhofela” Munetsiwa – uyo anovazve maneja wake – uye anoti haasi kukanganiswa nemavhidhiyo ake ari kutenderera paWhatsApp nepaFacebook apo anobuda akapfeka zvipfeko zvekutuhwinhisa uye “nekachigwishu” kechikabudura izvo zvinosiya dzimwe nyama dzemuviri sezvidya nemagadziko ake zvakati yacha panze.

Vamwe vatsigiri vaMadam Boss vaenda papeji reKwayedza repaFacebook ndokupa pfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi zvichitevera kubuda kwayaita mupepanhau rinosusukidza tsika nemagariro iri.

Hezvinoi zvimwe zviri kutaurwa nevatsigiri vaMadam Boss paFacebook:

Linet Mazorodze: Madam Boss pfeka zvaunoda iwe musaita godo nxaaaa.

* * *

Tania Mwananyoka: Tibvirei apa basa kuwisirana pasi chete, ndozvega zvamaona pana Tyra izvozvo . . . ndosaka mukutenga chingwa che$16.

* * *

Ishamael Gwatiringa: Angagoti kudii, handiti kutsvaga mari here, chiri mumari chakagozha zvokwadi, ndabvuma.

* * *

Sherly Chipindu: mind yr hokosi imi nekuti aita muZimba aaaa tibvireyi.

* * *

Tsitsi Joyce Charangwa: Learn to mind yr hokosi vanhu zvine basa reyi munhu anopfeka zvaanoda.

* * *

Perpetua Tirivangasi: kana murume wake achimutendera apana chakaipa.

* * *

Juliet Chamisa: Zvine basa rei nemi izvozvo.

* * *

Fungai W Chikanda: Apa mashaya nyaya.

* * *

Zvichakadai, Madam Boss anoti mavhidhiyo nemifananidzo iyi zvakatorwa pabhavhadhe remukoma wake, ndokuwedzera achiti, “Mhofela” ndiye anomutora mimwe yemifananidzo inokonzeresa iyi.

Anoti izvi ndizvo zvinoita kuti aite mukurumbira nekurarama.

Madam Boss anotizve vamwene vake vanomufarira zvikuru uye dzimwe nguva anotorwa mifananidzo yakadai vari vose.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *