Covid-19: mahomva otaura -‘Gezai mamasiki’ -‘Moita hutsanana’ -‘Regai kuungana’

Phillipa Mukome-Chinhoi
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vasapfeke kana kushandisa mamasiki anenge aine tsvina asi kuti akachena, voregazve kuita chitsokotsoko uyewo vachikoshesa hutsanana sekugeza maoko avo achichena nesipo nemvura inochururuka senzira dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunotapuriranwa nyore hunodaidzwa kuti coronavirus uye chabata mamiriyoni evanhu pasi rose.

Nechinangwa chekuda kumisa chirwere ichi, Hurumende yakadzika mitemo yakananga kuderedza kutapurirana hutachiona hwacho, ndokuti munhu wose anofanirwa kupfeka masiki pose paanenge ari panzvimbo yeruzhinji.

Naizvozvo veruzhinji vari kupfeka mamasiki – ekutenga neekugadzira kudzimba – asi vamwe vachizviita nenzira dzisingakurudzirwe neveutano.

Zimbabwe pari zvino yava nevanhu 314 avo vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ava, vana (4) vavo vakatofa.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator, National Response to Covid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti mamasiki anodzivirira kutapurirana Covid-19, asi anodawo kubatsirana nekukoshesa hutsanana pamwe chete nekusaita chitsokotsoko.

Dr Mahomva vanoti masiki inofanirwa kunge yakachena uye yopfekwa nemazvo.

Vanoti kunze kwekupfeka masiki, zvakakoshawo kutevedza mamwe matanho ekuzvidzivirira kuCovid-19 sekusaita chitsokotsoko uye kukoshesa hutsanana vanhu vachigeza maoko avo nesipo nemvura inochururuka.

“Kupfeka mamasiki ane tsvina, aiwaka hama neshamwari, izvi hatizvikurudzire. Kana tichishandisa mamasiki anowachwa aya, anofanirwa kunyatsogezwa nemvura ine sipo, onyatsokuyanikwa zvakanaka pazuva uye kana aoma oayinwawo kuitira kuuraya hutachiona,” vanodaro Dr Mahomva.

“Isu tinoti vanhu sevenzesai nzira dzose – mamasiki, kukoshesa hutsanana nekusaungana – kuitira kuti kana paine chimwe chisiri kushanda zvakanaka, zvimwe zvinokuchengetedzai.

“Kana tichiti shandisai mamasiki anodzokororwa kusevenzeswa (reusable) hazvireve kuti unofanirwa kungopfeka masiki rawakashandisa nezuro rine tsvina, ngarinyatsogezwawo nesipo rochena kuitira kuuraya hutachiona. Inga kana mbatya dzemukati dzinodzokororwa wani, asi dzatanga dzagezwawo wani,” vanaodaro Dr Mahomva.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzakasiyana kusanganisira muzviteshi zvinomirira veruzhinji mabhazi eZupco muHarare inotaridza kuti vamwe vanhu vari kupfeka mamasiki ane tsvina.

Kushandisa mamasiki ane tsvina kana kuadzokorora kuapfeka asina kugezwa zvekuchena kune njodzi yekukonzera kutapurirwa zvirwere.

Dr Mahomva vanoti chirongwa chekuti veruzhinji vasangofambe-fambe uye kuti vagare kudzimba che”lockdown” chichiripo zvisinei nekuti kune vamwe vasisakoshese danho reHurumende iri.

“Lockdown ichiripo, vamwe vanhu vari kungofarisa havo vachibuda-buda mudzimba. Izvi ndizvo zvinozoita kuti chirwere chipararire,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti veruzhinji havafanire kuvhunduka nekuda kwekuwanda kuri kuita vanhu vari kuvhenekwa vachiwanikwa vaine Covid-19 sezvo Hurumende yakagadzirira zvizere kurwisa chirwere ichi.

“Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kukwira asi tinoti veruzhinji ngavarege kuvhunduka zvavo nekuti pakatanga chirongwa, taizviziva kuti ndokwazviri kuenda. Hatisi kutiba zvakanaka kuona huwandu huchikwira, asi Hurumende yakagadzirira kurwisa chirwere ichi.”

Votaura pamusoro penyaya yekuti vanhu vasaite chitsokotsoko, Dr Mahomva vanoti sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation rakaita ongororo ndokuona kuti zvinonetsa kunyatsozvitevedzera nekuda kwemagariro evanhu. “World Health Health Organisation yakacherechedza kuti ‘social distancing’ iri kunetsa pamusaka pekuti tinogara takawanda saka kurudziro ndiyo yekugara vanhu tichigeza maoko nesipo, kupfeka mamasiki iwaya zvakasimba nekuzora mushonga inouraya hutachiona uhwu,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×