Covid-19 yovhura mimwe mikana

Kingstone Mapupu
SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kushandisa mukana wekugara kwevanhu kudzimba senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 kuita mabhindauko emawoko nechinangwa chekusimudzira upenyu hwavo.

VaMunyaradzi Nhariswa, avo vanova Environmental Education and Publicity Officer weEMA kudunhu reMashonaland West, vanoti panguva ino apo vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba, EMA iri kushanda nevatungamiri vematunhu semadzimambo, masabhuku nemakanzura mukusimudzira upenyu hweveruzhinji nekuita mabhindauko anovararamisa.

“Sesangano rinochengetedza zviwanikwa, mukana wekuti vanhu vari kudzimba watikoshera zvikuru apo tinoenda kumadzishe tichinokurukura navo.

Mapindu ari kuitwa nevamwe vanhu vachibatsirwa neEMA

“Chinangwa ndechekusimudzira zvirongwa zvinoraramisa veruzhinji,” vanodaro VaNhariswa.

Vanoti mubasa iri vari kushanda nemamwe mapoka anosanganisira veNational Parks and Wildlife Management Authority.

“SeEMA, hatisi kupeta maoko zviwanikwa zvichiparadzwa nekudaro kuti vanhu vawane cheuviri tiri kushandisa mikana yebudiriro inowanikwa munharaunda dzavo.

“Semuenzaniso, tiri kupa waya yeruzhowa nemapango kuvanhu kuti vazvivakire mapindu emishandirapamwe,” vanodaro VaNhariswa.

Vanovapawo mbeu neruzivo rwekurima vachishanda nebazi reAgritex.

“Tiri kupawo varimi ava mikoko yenyuchi iyo vanoisa mumasango nekumapindu kwavo nekudaro nekufamba kwenguva vanopedzisira vave kuzviwanira huchi hwavanotengesa vokwanisa kuwana raramo kubva mazviri,” vanodaro.

VaNhariswa vanoti kuburikidza nezvirongwa izvi, kurimwa kwemumatoro nemumahombekombe menzizi nemadhamu kunoderera nekuti vanhu vanenge vave kuita mabhindauko anovapa raramo.

Sangano iri rinoti riri kupawo marezenisi kuvanhu vanoda kuchera jecha zviri pamutemo.

“Kureva kuti vaimbochera jecha vachiba vaye vanenge vave kuita basa iri zviri pamutemo.”

Vanoti basa ravo guru harisi rekusungisa vanotyora mitemo ine chekuita nekuchengetwa kwakanaka kwenharaunda, asi kusimudzira raramo yevanhu kuburikidza nekushandisa zviwanikwa zvemunzvimbo dzavanogara nemazvo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×