MWANA AKAPONDA AMAI

Muchaneta Chimuka
MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita ne “Satanism”, mumwe mukadzi ange achishanda samukoti paChitungwiza Central Hospital anonzi akapondwa nemwanakomana wake achiita zvekubaiwa-baiwa nebanga nezvimwe zvakapinza mumusoro nemuviri wake wose ndokuzosiya andonyerwa musoro mudhishi asi makumbo akaturikwa pasofa.

Mwanakomana uyu mwana wemurume wemushakabvu.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster Dzvova, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti yakaitika manheru emusi weChipiri svondo rapera.

“Mushakabvu uyu, Irene Chikodzo (40) aishanda paChitungwiza Central Hospital semurapi uye ange akaroorwa nababa vemusungwa anonzi Joseph Tandi Jnr (23) uye vachigara vose panhamba 965 Retreat, kuWaterfalls muHarare.

“Mai ava vaishanda pamwechete nemurume wavo, Musekiwa Tandi (50), uyo anova mabharani (clerk) pachipatara ichi. Mapurisa ekuWaterfalls akazoziviswa nezvehumhondi uhwu naPatson Saidi (25) vachibva vanozvionera,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Pakasvika mapurisa pamba apa, vakasvikirana nemurume wemufi uyo aiti aibva kunoudza hanzvadzi yake nezvehunhu husinganzwisisike hwaiitwa nemwanakomana wake.

“Pakasvika baba ava pamba, Joseph akatanga kuvarwisa ndokuvapotsera nechombo icho chakavapotsa chichibva chanotema musuwo wemba yekutandarira. Vakazoshevedza veruzhinji kuti vavabatsire kumubata ndokumukurira simba.

“Pavakapinda muimba yekutandarira, ndipo pavakawana mudzimai wavo atofa, musoro wake wakaiswa mudhishi rekuwachira asi makumbo akaturikwa pasofa. Maoko, musoro nemuviri zvaive nemaronda ekubaiwa nebanga,” vanodaro.

Vanoti mapurisa akaona zvekare simbi yakarodzwa neropa raive rizere mumba umu.

“Pavakabvunza Joseph kuti ndiye here ainge aponda amai vake, akarambisisa asi akati iye muSatanist, nndokubva vamusunga,” vanodaro Asst Insp Dzvova.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga nekuti magumo acho akashata.

“Kunyangwe zvinhu zvikanetsa sei, hatikurudzire mhirizhonga. Vanhu ngavatsvage rubatsiro nemazano kubva kumapurisa kana kumachechi kana vatadza kuwirirana,” vanodaro.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×