Daphne Machiri naMalven Mugadzikwa
CHIKORO cheDavid Livingstone Primary School, icho chiri muHarare, ndicho chakakunda mumakwikwi eNational Museums and Monuments Quiz Competition ayo akaitirwa kuBulawayo Museums nguva pfupi yadarika. Mukuru wechikoro ichi, VaNewton Ndhlela, vanoti vanofara zvikuru nekukunda kwavakaita mumakwikwi aya.
“Tine vana 4 vari mugwaro reGrade 7 avo vakanomirira chikoro chedu kumakwikwi aya — vanoti Chengetai Sithole, Charmaine Kadyira, Clare Mutendadzamira naLindiwe Muungani.
“Vana ava ndivo shangwiti dzakauya nemukombe kuno kuNorthen Region. Havana kungoenda kumakwikwi aya vachibva pano pachikoro asi kuti takavaendesa kunzvimbo dzakasiyana kwavaidzidziswa nezvenyika ino nekwayakabva kuburikidza nezvimwe zvinhu zvechinyakare zvakachengetedzwa kunzvimbo dzakatsaukana,” vakadaro VaNdhlela.
Vakatenda vakuru vezvedzidzo mudunhu ravo, avo vakavatsigira kuti vabudirire mumakwikwi aya.
“Ndinoda kutenda vekuDistrict redu reMbare/Hatfield nekutitsigira pamwe naArts and Culture Promotions and Development Officer weHarare Province, Mai Spiwe Jiri, avo vaitipa rutsigiro rwakanyanya.
“Handidiwo kukanganwa vabereki vevana ava nekuvabvumidza kuti vawane nguva yekufamba kwavaiita vachitenderera nenyika vachiwana ruzivo. Ndinotendazve ivo vana vacho nekuva nechido nemoyo wekuda kudzidziswa kwemakore matatu kusvika pakutora mukombe kwavakazoita,” vakadaro VaNdhlela.
Mumwe vevaidzidzisa vana ava, Mai Acqualine Sagomba, vanoti kushanda nesimba ndiko kwakavasvitsa pakutora mukombe.
“Makwikwi aya anotangira muzvikoro paGrade 5, ndipo patinosarudza shangwiti dzinonomirira chikoro munyaya dze’quiz’.
“Mukugadziririra makwikwi aya, takafamba nzvimbo dzakatenderedza Zimbabwe tichiona nekuziva zvirimo, zvinosanganisira nhoroondo yenyika.
“Iye zvino mukombe wakauya kuno kuNorthen Region, paDavid Livingstone.
“Hauna kwauchaenda, ticharamba takashinga,” vakadaro.




