DeMbare yoenda kumazivandadzoka

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos FC chiri kuenda kumazivandadzoka nemusi weMugovera uno apo chichasangana necheSimba Bhora kuWadzanayi Stadium, kuShamva.

Munguva yadarika, vanhu vazhinji vange vachingobvunza kuti DeMbare remangwana rayo rakamira sei chaizvo sezvo svondo nesvondo matambiro echikwata ichi ari kuita achidzikira.

Vhiki radarika, chikwata ichi, icho chinorairidzwa naSaul Chaminuka, chakakundwa 1-0 neTelOne.

Izvi zvakabva zvaita kuti DeMbare irambe yakagara pechi17 palogo yePremier Soccer League (PSL), ingori pamusoro peKwekwe United, iyo mwaka uno vazhinji vave kutotaura kuti iri kudzokera kuDivision One.

Naizvozvo, DeMbare paichasangana neshasha yePSL yemwaka wadarika, Simba Bhora, iyo inotungamirirwa naJoel “Dubai” Luphahla, inofanirwa kutosunga dzisimbe.

Kana Dynamos ikasatora zvibodzwa pamutambo uyu, icharamba ichidzikira palogo, izvo zvinogona kuzoiparira; inenge yave nemukana mukuru wekuburitswa muPSL.

Izvi zvinoreva kuti DeMbare inenge yave kuenda kuDivision One gore rinotevera.

Mune mimwe mitambo, chikwata chaLloyd “Samaita” Mutasa cheMWOS FC kana kuti maPunters chichange chiri pamusha pacho kuNgoni Stadium musi weMugovera uno apo chichasangana necheFC Platinum.

Mutambo uyu unotarisirwa kunakidza zvekukunda ngoma kurira.

MWOS FC yakabviswa pamusoro pelogo zvichitevera kukundwa kwayakaitwa neYadah Stars 1-0 svondo radarika.

Pari zvino, maPunters akagara pechipiri palogo aine zvibodzwa zvimwe chete nezvine Simba Bhora, iyo iri pamusoro.

Pure Platinum Play iri kupinda mumutambo uyu iriyo yega chikwata chasara muPSL mwaka uno chisati chambokundwa.

Nokudaro, nhengo dzechikwata ichi dzinotarisirwa kutamba zvekudambuka makumbo semakurwe nedonzvo rekuchengetedza kusakundwa uku.

Scottland FC ichange iri pamusha kuRufaro Stadium muHarare musi weSvondo, apo ichasangana neHighlanders kana kuti Bosso.

Zvikwata izvi pazvakambosangana kuBabourfields mumutambo wekutanga muna Kurume, wakapera uri mangange 1-1.

Scottland iri kurwira mukombe wePSL. Bosso iri kurwirawo kuti isimuke palogo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *