Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti madhamu ari munyika ane mvura yakakwana yekurima nayo gorosi remuchando uye pane tasiriro huru yekuwana goho rakakura rinosvika matani 600 000.
Vachitaura mushure mekumema Mazowe Dam mudunhu reMashonaland Central svondo rapera, munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — Professor Obert Jiri — vanoti ongororo yakaitwa maererano nemadhamu makuru ari munyika, ayo anosvika 151, inoratidza kuti Zimbabwe ine mvura yakawanda yemadiridziro.
“Patakaita ongororo yemadhamu makuru ari munyika, anosvika 151, takaona kuti tine mvura yakawanda inokwanisa kushandiswa mukudiridzira mahekita 120 000 egorosi. Izvi zvinoreva kuti kana tikabudirira kuita izvi, tinokwanisa kuzadzikisa zvinangwa zvedu senyika kuti tinge tichiwana matani 600 000 egorosi. Izvi zvinoreva zvakare kuti tinotokwanisa kudarika goho rematani 563 961 atakabura gore rapera,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti kubva mumwedzi waZvita gore rakapera kusvika Kurume gore rino, nyika yakawana mvura yemudenga yakakwana, kunze kwedzimwe nzvimbo dziri mumatunhu akaita seMashonaland West neMashonaland Central, uko kwakanaya zvishoma.
“Mvura yakanaya zvikuru munzvimbo dziri kuchamhembe kwenyika zvokuti mamwe madhamu ari kuMasvingo neMatabeleland akasvika pakuzara. Tinogutsikana kuti takawana mvura yakawanda gore rino kana tichienzanisa negore radarika, kunze kwedzimwe nzvimbo dzedunhu rino ratiri reMashonaland Central. Asi tinofara zvikuru kuti madhamu ekuno akaita seMazowe achine mvura zvichitevera kuchengetedzeka kwaakaita kubva kudambudziko rekuzara majecha. “Tinotenda bazi reZimbabwe National Water Authority (ZINWA) nekuchengetedza madhamu kubva kuvanhu vanoita mabasa ezvicherwa, rinova basa rakakurumbira muno. Pamusoro pezvo, kune vamwe vanhu vanorima mumahombekombe enzizi, zvinoita kuti majecha ange achizara mumadhamu edu, obva akundikana kuchengetedza mvura yakawanda,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti imhosva huru inoendesa kujeri munhu akaita mabasa ezvicherwa achikanganisa nharaunda pamwe nekusvibisa madhamu anokosha.
Vanoti bazi ravo rakabatana neZINWA, Environmental Management Agency nevamwe vari kuita zvirongwa zvekukusha mashoko echenjedzo maringe nenjodzi dzinouya mukusvibiswa kwemadhamu.
“Kusvibiswa kwemadhamu kunoita kuti tirasikirwe nezviwanikwa kana twumbuyu twunorarama mumvura, uye hove nemakarwe zvinofa. Pamusoro pazvo, isu vanhu nezvipfuyo zvedu tinogona kurasikirwa zvakare neupenyu nekuda kwemimwe mishonga iri kudirwa mumadhamu nemakorokoza ezvicherwa. Zvakakosha kuti tibatane, tirwise nyaya dzekusvibiswa kwemadhamu edu anokosha,” vanodaro.
Prof Jiri vanokurudzira varimi kuti vatevedze nzira kwadzo dzekukohwa mvura kuitira kuti vazokwanise kuishandisa mumwaka inotevera.
“Ngatikohwei mvura kuti tikwanise kurima mahekita egorosi anosvika 120 000 uye mahekita 6 500 echirimwa chebarley ne8 750 embatatisi asi tisingapedzi mvura yemumadhamu.
VaLeonard Munamati, vanove acting chief director kuAgricultural and Rural Development Advisory Services, vanoti varimi vazhinji vakagadzirira nemazvo kurima gorosi remuchando.
“Tiri kushanda zvakanaka nevatsigiri vakawanda kuti tisimudzire kurima chirimwa ichi, kusanganisira mapoka akazvimiririra, muzvirongwa zvakasiyana-siyana. Zvinosanganisira National Enhanced Agricultural Productivity Scheme uye Zimbabwe Electricity Supply Authority, iyo yakachengetedza magetsi ane uwandu hunoita 150 megawatts akamirira varimi bedzi. Uwandu hwemagetsi uhwu hwakatowedzerwa kubva pa120 megawatts atakawaniswa gore rapera. Tine vamwe vanorima vachishandisa mari dzavo dzemuhomwe,” vanodaro.




