DETEMBA TINZWE . . . KUTSENGA MVURA

naPrimrose Gwindi

Vanoti vakaiti chwa-chwa

Inobuda rese svisvinwa

Vakaisa ziso pamunhu

Vanoita kunge vakaringa

Chin’u chamafuta

 

Wakavaringa unoti havasi

Vepasi pezuva pamwe

Vakangoburuka kubva kudenga.

Vachifamba vanoita sekunge

Pasi pari kupisa kunge

Rwaivhi? Vakaripotsera iro

Chiringisa zvose unoti une

Pawakanganisa kupfeka

 

Vanoita sevasinganwe zvinwiwa

Somunhu wese pasi rino.

Pameso chigagairwa unonyatsoona

Kuti Mwari akatora nguva

Hava shamwari nokuda kwezviito

Uku kutsenga mvura kwaChipo

 

. Primrose Gwindi ari muForm 2Q paZengeza High 1 School, kuChitungwiza.

 

MAONERO:

Kutsenga mvura idimikira rinoreva kudada. Pano nyanduri abva aritambanudza kuti zvibva zvanyatsoita sekuti pari kutonyatsotsengwa mvura zvechokwadi. Ndipo paatsanangura mumutsara wekutanga achishandisa nyaudzosingwi kuti, “chwa, chwa.”

Kuratidza kudada kwakapfurikidza, anobva ati kutsenga kwavo mvura kunoburitsa masvisvinwa ese. Nyanduri Primrose Gwindi ishasha yekutsanangura zvinonwisa mvura achitamba nemutauro zvemandorokwati. Ndanakidzwa uye ndikagutsikana paati:

Vakaisa ziso pamunhu

Vanoita kunge vakaringa

Chin’u chamafuta

Apa panobuda kuyemura kwakapfurikidza mwero, kunenge kune ruchiva mukati. Uyewo, kunyiminya kwechinu chemafuta kunoratidza kunyiminya neruchiva rwemaziso evari kuona.

Tichinopinda mundima yechipiri, ndave kunetseka kuti vanhu vari kutaurwa nanyanduri ava ndivanani. Vanhu vari kutaurwa ava, vanomboita sekuti ivo pachavo itsvarakadenga chaidzo nekuti pane panzi:

Wakavaringa unoti havasi

Vepasi pezuva pamwe

Vakangoburuka kubva kudenga.

Asi zviri kunetsa kuti vaverengi vazive kuti vambori anaani ivava vanofamba kunge pasi pari kupisa kunge rwaivhi. Vanhu ava vanenge vanotarisisa vamwe zvakapfurikidza mwero. Nekuti nyanduri ati,

Vakaripotsera iro

Chiringisa zvose unoti une

Pawakanganisa kupfeka

Mundima yekupedzisira ndanga ndichifunga kuti ndichanzwa kuti vanhu ava ndevapi, asi hatiudzwe. Tinongonzwa chete kuti vanoita sevasinganwe zvinwiwa. Asi pasina yambiro, nyanduri anobva asiya kutaura zvevanhu vaye, odzoka pakutaura zvemusikana akanaka.

Zvichida ndiye anga achitariswa nguva yese iyi, hazvinyatsobuda pachena, uye zvinoita kuti nhetembo inetse kunzwisisa. Izvi zvawedzerwa nemitsara miviri yekupedzisira yanzi:

Hava shamwari nokuda kwezviito

Uku kutsenga mvura kwaChipo

Hazvina kujeka kuti Chipo anotsenga mvura nekuda kwerunako here? Ko kutsenga kwake mvura kwabuda papi nekuti ini ndiri kutomuonawo semunhu ari kuchiviwa nevanomutarisa. Chipo ndiye here anofamba achiteta kutsika pasi serwaivhi? Ko wanga uchida kuti “Havana shamwari nokuda kwezviito here?” Ipapa ndipo parasika nhetembo yako. Ndinodawo kuti uchenjerere kushandisa zvimiso nenzira kwayo. Asi pasina izvozvo, uri shangwiti pakuruka mutauro nekutamba nemazwi zvinonwisa mvura. Ramba wakadaro.

 . [email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *