Munyaradzi Gunduza
MUSEVE USINGAPOTSE (Ongororo)
Musoro webhuku: (Enderero mberi)
Karinge anotangira mbada iya nemuseve isati yasvika kwaari, ndokuibaya pamwoyo chaipo, ichibva yanorovera paruvare ichivhunika mutsipa ndokufira ipapo.
Musoro webhuku unotsigirwa nekuuraiwa kwaPondai nemuseve naKaringe. Izvi zvinoonekwa paanonzi akatiza kusvika pamuti wemuhacha waive mumuzinda waMambo Chakaingesu anzvenga miseve nematombo aikandwa naKaringe aisunungurwa asi asati asvikapo akanga atobaiwa nemuseve panosangana mapfupa etsapfu nechidya naKaringe.
Musoro webhuku unowirirana nekuuraiwa kwaTapera nemuseve naKaringe. Tinozviona panoenda Karinge kwaMambo Mupambi achida kunodzora pfuma yababa vake, ndokuwana yese yapambwa naTapera achinopa Mambo Mushoshoma, zvinoita kuti arwisane naKaringe kusvika azobaiwa nemuseve mukanwa uchinobuda nekugotsi nekutofa.
2. Tsanangura madingindira ari murungano Museve Usingapotse. [25]
Mubhuku iri mune dingindira rechitendero chevadzimu. Rinozadziswa naMambo Chakaingesu vanoenda nemwanakomana wavo, Karinge kuninga yairadzikwa madzimambo vachinomudzidzisa kudeketera midzimu yavo kuti asazonetseka kutaurirana nayo ave mambo.
(Tinoenderera mberi svondo rinouya). Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi, Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.
Mapindurirwo emibvunzo yenhetembo
SHOKO HARIVHIKWI (Revision)
Nhanganyaya:
Muchikamu chino tichange tichiita ongororo yenhetembo nemabhuku ari kudzidzwa kuShona nevana veFomu 4 gore rino. Mabhuku aya ari mubvunzo dzakatanga Mbudzi 2015 uye achabuda muna Chukumi 2017, anosanganisa nhetembo dziri muna Shoko Harivhikwi, engano dzepasichigare, Ndinofa Ndaedza naTambaoga Mwanangu uye enyaya dzemazuva ano anoti, Makunun’unu Maodzamwoyo naNdiko Kusasana.
Ndichatanga nekukudzidzisai zvinoitwa pakuongorora nhetembo nemabhuku asi ndichishandisa mibvunzo nemhinduro dzinotarisirwa kuitira kuti muone mapindurirwo ebvunzo dzeuvaranomwe.
Kupera kwesvondo rega rega ndinenge ndichikusiirai mubvunzo wekuti mufanozviitira mega ndozokupai mhinduro svondo rinotevera.
Tichatanga neongororo yenhetembo dziri mubhuku rinonzi Shoko Harivhikwi dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana.
Ndisati ndatanga kukupai mibvunzo nemhinduro dzinobva mubhuku iri, ndichakudzidzisai mapindurirwo emibvunzo yenhetembo nezvimwe zvinotarisirwa pakudzidza nhetembo neveboka rinotungamira zvebvunzo, reZIMSEC.
Mapindurirwo emibvunzo yenhetembo:
Kana uchipindura mubvunzo wenhetembo, tanga wanzwisisa zvauri kuda usati waedzerera kupa mhinduro.
Nzira ingangokuitira nyore kutanga nekutara mazwi aunoona sekunge ndiwo makuru anoumba mubvunzo usati waisa pfungwa dzako pasi.
Wadaro, kokorodza zvese zvaunofunga kuti zvinowirirana nemubvunzo, zvinokubatsira kupa mhinduro yakanaka. Wasvika padanho iri, ronga pfungwa idzi uchiona kuti imwe neimwe yawabura inowana tsigiro inobva mudetembo sezviri kukumbirwa nemubvunzo.
Kana wagutsikana kuti wanzwisisa mubvunzo zvechokwadi, chitanga nekunyora nhanganyaya.
Nhanganyaya haipihwe zvibodzwa paShona yeO-Level, asi yakanakira kuti inoburitsa zvauchanyora pachena. Kazhinji nhanganyaya yenhetembo inongoburitsa mazita enhetembo navananyanduri vadzo chete asi zvichienderana nezvinodiwa nemibvunzo. Ukadaro waratidza kunzwisisa mubvunzo pamwe nekupa yambiro kumukwenyi webvunzo maringe nezvauchanyora mukati.
Chekutanga pakuumba mhinduro dzemukati kuburitsa pfungwa iri kuenderana nezvikumbiro zvemubvunzo yopihwa tsigiro inobva mudetembo. Chinonzi tsigiro mienzaniso yepfungwa dzanyanduri dzinowanikwa mudetembo.
Zivai kuti tsigiro inogona kupihwa sezvairi mudetembo kana kuipfupikisa asi isingashanduri zvinorehwa nanyanduri.
Pfupiso yepfungwa dziri mudetembo haifaniri kunyanyisa kudzokorora mashoko ari patsigiro, unokwanisa kushandisa mazwi ako pakudoma pfungwa asi achidudza tsigiro.
Zvinotarisirwa kunhetembo: Zita ranyanduri rinonyorwa nenzira inokurudzirwa sekudai, Solomon H. Munorevesa, Trust Mutekwa zvichingodaro.
Musoro wedetembo unonyorwa sezvakaitwa nanyanduri sekudai, “Gamba chii?, Taikuti . . .” kwete kusiya vara guru, chikuwo, turabefu kana mubvunzonhando wakashandiswa nanyanduri nekuti zvine zvazvinoreva pakuumbiridza pfungwa yake. Tangai kuita mubvunzo unotevera:
1. Solomon H. Munorevesa anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]
Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya. (Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).




