Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.
naMapinde Zikomborero Simango
Ikakubata mudumbu morira,
Ambuya voshevedzera kuti inyoka dzemudumbu.
Kushama n’ai hakuchisiri kwenhamo.
Kugumburwa negutsa wotodya ivhu.
Kuchema uchanzwikwa nani, izwi rapererera.
Nzara haina mucheche, kana akwegura.
Mushonga wayo chikafu bedzi.
Kutaura nevamwe kwotonetsa, kana yakubata.
Musoro nedzungu zvotamba ngoma.
Kurara woita sewafa.
Senge kuchikoro murairidzi anosara otaura oga,
Nzeve dzogara dzakateya bhera!
Kungoti kwaro – ngwe ngwe ngwe
Ndini wekutanga kubuda
Kusviko-shaya chekukanda mukanwa, misodzi yongoti
Mote-mote pamatama.
Kuti tipedze inoda simba.
Kuti ugute wotomira-mira.
Kana usidaro inofutidza moto murima.
Mapinde Zikomborero Simango ari muGrade 7B paChaedza Primary School, kuChinhoyi.
MAONERO:
Ndanakidzwa nemaonero anoita wechidiki nyaya yenzara. Anonyatsotsanangura zvinoita nzara kana yabata munhu. Sekunyora kwanyanduri, zvinoitika kana nzara yakubata zvakafanana nekurira kwemudumbu, kushama n’ai nekushaya simba kwaanoburitsa nemutsara unoti, “Kugumburwa negutsa wotodya ivhu.”
Anopedzisa ndima yake yekutanga nekuti, kana ukachema hapana anokunzwa nekuti izwi rinenge rapera. Kunyora kwanyanduri Mapinde kunoratidza nzara yakanyanyisa nekuti izwi haringopera zvenhando. Asi ipapa angadai ashandisawo zvirungamutauro zvakaita senyaudzosingwi kuti zvinyatsojekesa hudzamu hwenzara.
Ndanga ndichifunga kuti achatorawo mukana wekubva audza vanhu kuti kana usingade nzara unofanira kushanda, asi anotiudza kuti mushonga wenzara chikafu bedzi. Ko kuti chikafu chacho chivepo chinenge chambobvepi? Apa ndipo pangadai patambanudzwa nhetembo kuti idzidzise kuti kana usingade kutambudzwa nenzara unofanirwa kushanda nesimba zvose kuchikoro nekumunda kana kubasa.
Nyanduri anodzokera kunyaya yezvimwe zvinoitika kana wasakadzwa nenzara. Anoti kutaura nevamwe kunenge kwave kutonetsa, uye “musoro nedzungu zvinenge zvotamba ngoma.” Anobva apedzisa ndima yechipiri achiti nekuda kwenzara, kana warara unoita sewafa.
Mundima yechitatu tinonzwa dambudziko rinouya nekuda kwenzara pakudzidza kwakanaka. Hanzi mudzidzisi anenge achitaura ega nekuti nzeve dzemwana ane nzara dzinenge dzakaterera kurira kwebhero kuti aende kumba kunodya, asi kana mwana uyu asvika kumba anobva asvikoshaya chekudya chacho.
Ini ndanga ndichida kuti Mapinde atiudze kuti zvaati, “Kuti tiipedze inoda simba,” tinotangira papi kana nzara yacho yatopfunya chisero sezvayaita? Atizve “Kuti ugute wotomira-mira,” asi anomira-mira ndiani, mwana kana mubereki? Kana mwana achienda kuchikoro, asi obva atadza kuterera zviri kudzidziswa nekuda kwenzara, chikoro pachinopera obva asvika kumba kusina chekudya zvinoreva kuti vabereki vake vari kukundikana.
Nzara yakafanana neiri kunyorwa naMapinde, haisi nzara yatinoda kuti iwanikwe muvana vadiki. Kana pane mwana anoita nzara kusvika pakadai anofanira kubatsirwa nekuti achapedzisira ave murwere. Izvi ndizvo zvisina kuzobatwa nanyanduri kuti yambobva kupi nzara yerudzi urwu.




