Musikana wepaRoosevelt akanyora book

MUSIKANA anodzidza paRoosevelt Girls High School, muHarare, oita zvinorova kuburikidza nekunyora mabhuku eShona uye anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidade nemitauro yemuno.

Amanda Chirambadare (15), uyo ari muFomu 4, akanyora bhuku rake rekutanga rinonzi “Chandakazviparira” iro raari kutarisira kuti richaburitswa munguva pfupi iri kutevera.

“Mazuva ano vanhu vazhinji vava kufarira kutaura mutauro wechiRungu asi kukoshesawo mutauro wedu wemuno kwakangonaka nekuti ndimo mune hunhu netsika dzedu.

“Ini ndakasarudza kunyora bhuku iri neShona nekuti ndiwo mumwe wemitauro yemunyika muno unonzwisiswa neveruzhinji. Ndine chido nemutauro wemuno pamwe chete netsika dzedu.

“Bhuku iri rine chekuita nemagariro uye zvinoitika mukugarisana pachivanhu,” akadaro Amanda, uyo akakwazisa mutori wenhau uno achityora muzura.

Kutyora muzura imwe yetsika dzisisaitwe nevamwe vechidiki mazuva ano.

“Bhuku iri riri pamusoro pemumwe murume akachiva upfumi hweshamwari yake zvekusvika pakumuuraya. Nyakuuraya mumwe wake uyu, anozosangana nemashiripiti muupenyu hwake kuburikidza nengozi. Mhuri yake yose inoparadzwa nerufu uye mukadzi wake anosvika pakumutiza achiti azvitadza zvepamusha uyu.

“Nyakuuraya shamwari yake uyu anosvika pakuonda zvekusara musoro chete. Pakupedzisira ndipo paanobuda pachena achidemba zvinoburitsa zvinoreva musoro webhuku iri.”

Anoti chinangwa chake chikuru mukunyora bhuku iri kudzidzisa veruzhinji nezvehuipi hwekuuraya mumwe munhu uye kuti vasave neruchiva nezvinhu zvevamwe asi kuti vazvishandire nesimba ravo.

Amanda anoti kunze kwekunyora mabhuku, ndinyanduri uye akambonyora rimwe detembo rake rikabuda muKwayedza.

“Ndinodawo rubatsiro, kunyanya kubva kuvanyori vane mukurumbira vakaita saVaIgnatius Mabasa. Ndinoda rubatsiro rwavo kuburukidza nekuti vapepete zvandinenge ndanyora kuti zvifadze veruzhinji uye kuti zvive zvakarongeka pamwe chete nekuve nehunyanzvi,” akadaro.

Amanda anoti ari kutarisira kunyora mamwe mabhuku eShona nenhetembo nekufamba kwenguva.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×