‘Koshesai mitauro yemuno’

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuti zvikoshese zvidzidzo zvemitauro yemuno yakaita seShona nedonzvo rekuumba hunhu netsika dzakanaka muvana kuti vagoyaruka zviri mavari.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wechikoro cheFuramera Primary School, VaMurangwa Mudzamiri, svondo rapera pamabiko ekugadza maprefect 50 epachikoro ichi.

“ChiShona chevana vari kukura mazuva ano chava kurasika nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, vamwe vava kunzi vanofanira kutaura chiRungu zvakanyanya kudarika mutauro wedu wemuno.

“Ikurudziro yedu isu sechikoro kuti vana vakure vachiziva mutauro wemunyika mavo kuitira kuti vazodzidzisa vanotevera.

“Mumutauro wedu wechiShona ndimo mune tsika dzedu. Kurasa mutauro wedu kurasawo tsika dzedu.

“Tichabatana nebepanhau reKwayedza mukuvandudza kukurudzirwa kwemutauro uyu muzvikoro. Kuti izvi zvibudirire, panofanira kuva nekurudziro muzvikoro kuti vana vaverenge bepanhau iri kuti vasangane nemutauro wavo uye vazive manyorerwo anoitwa Shona yemandorokwati,” vakadaro VaMudzamiri.

Mashoko avo akatsinhirwa naAssistant Circulation Manager wekambani yeZimpapers (Harare Branch), VaSimba Manjiche, avo vakati zvakakosha kuti vana vazive mitauro yemuno.

Zimpapers ndiyo inodhinda Kwayedza pamwe nemamwe mapepanhau izvo zvinoita kuti ive huru yadzo mubasa iri muZimbabwe.

“Kuchine zvimwe zvikoro zvinoti mwana haatenderwi kutaura neShona kana achinge apinda muchivanze chechikoro. Asi isu tiri kuti vana vokura vasingazive mutauro wavo here? Kurudziro yedu ndeyekuti vana ngavasununguke kutaura mutauro wavo uye ngavasambunyikidzwe kuti vasataura Shona kuchikoro.

“Bepanhau redu reKwayedza rine zvakawanda zvarakatakura izvo zvinopa dzidziso kuvana zvekuti vakariverenga havazonetseka mukubudirira pabvunzo dzeShona.

“Zvinoshamisa kuti kune zvimwe zvikoro mwana anopasa zvimwe zvidzidzo zvose asi Shona anenge akafoira izvo zvinozomutadzisa kuenderera mberi. Izvi zvinokonzereswa nekuti mwana anenge achinzi ngaataure nechiRungu pachikoro achisiya mutauro wake chaiwo,” vakadaro.

Pamaprefects 50 akagadzwa pachikoro ichi pazuva iri, 25 vacho vasikana.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×