Chiporofita hachisi Zim-Asset

HANDIFARIRE kushungurudzwa kwevanhu. Ndinovenga zvese zvinoruma, zvichidambura nekutsenga-tsenga mufaro wemunhu. Ndinovenga chero chinhu chipi zvacho chinowidzira mufaro wevana nevanhukadzi kunge chigaba chekucheresa mvura chadambukira mumugodhi wakadzika.

Ndinoziva zvazvinoita kana usina mufaro. Unofanana nemba isina maketeni nemahwindo. Munhu wese anonyatsoona zvese zvakavanzika zvehupenyu hwako. Unofanana nemureza wabvarurwa nemhepo, wangosara kachipenga kadiki. Kana nemavara emureza iwoyo anenge acheneruka, ave kuonekera kure kure.

Handidi mhirizhonga mudzimba. Tsinga dzemwoyo wangu dzinorudunuka seshinda iri pabhobhini kana ndikaona vanhu vakaroorana vachirwa kana kupopotedzana. Saka handina kufara ndichiverenga muKwayedza nezvemukadzi wekupfuhwira murume wake nevhu rekumakuva nekuti aigara achingorohwa.

Ichokwadi mukadzi uyu ndinomunzwira tsitsi nekuti mukadzi anoda kudiwa kwete kurohwa.

Nyangwe vanomiririra kodzero dzemhuka chaivo havabvumire kutambudzwa nekurohwa kwadzo. Mwari ndivo vakapa Adam mukadzi vachiti agomubatsira, kwete kumupura semunhu anopura zviyo.

Zvino zvadaro, mukadzi wekuDomboshawa paakaona kuti mbama, bhutsu nezvibhakera zviri kuwanda kudarika kutsvodwa, akatsvaga zano rekuwana zororo.

Musanyanye kushora mukadzi wekuDomboshawa kuti akapa murume mupfuhwira wevhu rekumakuva. Zvaakaita hazvina kunaka, asi vanhu vakanga vachimuona achirohwa nekushungurudzwa vakamboedzawo here kumubatsira? Ndizvo zvinonetsa pakurarama kwedu vanhu.

Tinoona zvakaipa zvichiitika. Tinoona murume achigara achizvambaradza mukadzi zvekuti vamwe vakadzi vanopedzisira varemara kana kuurayiwa. Hatibatsire. Tinongotarisa tichiti ndizvo zvinoita kuroorwa. Tibvirei apo!

Kuroorwa kwekugara uchirohwa hakusi kuroorwa. Kunototaura kuti pane zvisina kumira zvakanaka.

Saka kana gonzo razosvikawo parinoti raneta nekutiza kiti, rinotsvagawo nzira dzakaipa sekutambudzwa kwaranga richiitwa. Ipapa ndipo panopinda vakomana vechiporofita chinenge hun’anga, chinenge huroyi – chiporofita chinoshandisa “minamato” inenge kubikira munhu nyama yembwa!

Panguva ino yekuti vatungamiri venyika vari kutaura zvekupedza hurombo muvanhu nechirongwa cheZim-Asset, kune maporofita ari kuita mari nevanhu, achiuraya nyika nehunhu muvanhu.

Zviri pachena kuti amai vekunotora ivhu remupfuhwira kumakuva vanoda murume wavo nyangwe aigara achivazhakada. Dai vakanga vasingamude, vaingomusiya vodzokera kuvabereki vavo. Asi semunhu akanga akamboroorwa akaita vamwe vana vatatu asati azoroorwa nemurume wavakazopfuhwira uyu, zviri pachena kuti amai ava vaitsvaga nzira yekuti murume wavo agare navo zvakanaka asingavarove.

Asi kwavakazonowana rubatsiro ndiko kune rima. Ini ndine shungu dzekubvunza muporofita uyu kuti paakaita munamato wake, akanga achitaura mashoko ekuti kudii kuna Mwari, ndokunge akanga achitaura naMwari.

Ndinozviziva kuti mabasa ari kunetsa kuwana muZimbabwe, zvekuti zvave kutoda mabhindauko ekuti munhu ararame. Asi panzira dziri kutaurwa neHurumende kuti vanhu vatsvage kurarama nekugadzira hupfumi vachizvishandira, ndinoda kudzokorora kuti chiporofita hachisi Zim-Asset.

Kunyanya chiporofita chinotyisa, chinopesana nekuremekedza vafi nehunhu hunotarisirwa muvanhu. Chiporofita chaMwari chinodzidzisa zvakanaka, chinovaka panzvimbo yekuparadza.

Mwari akasika wanano nekuti akaona kuti zvakange zvisina kunaka kuti murume agare ari oga. Wanano yako yakanaka here? Kana muine zvinetso zvisina kugadziriswa, wanga uchida kuzvigadzirisa uri wega kana nemaporofita here? Kana zviri izvo, rega ndikutaurire kuti dzokera kuMusiki neMuponesi kwete kumaporofita. Bvuma kuti wakakundikana uye haungakundi iye asipo.

Tama pakuzvida kwako nekuomarara mwoyo kwenhema. Reurura zvakaipa zvako kunaMwari. Mukumbire kuti akubatsire kuvaka wanano yako, asi kwete nemiteuro yemaporofita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×