Detembo: Dzihwamupengo

naTanaka Taruvinga

Hekaniwaro mhondoro

Hekaniwaro madzitateguru

Maungira eyedu mhere ari kusvikawo here iko nyikadzimu?

Tinzweiwo ana muendakare

Ndimi varwiri vehwedu hupenyu.

Hekani nhume dzaNyadenga.

Svikai svikai svikai henyu madzitateguru,

Tokutambirai nemaoko maviri.

Svikai mutitapurirewo mazano enduramo.

Tateketera vana venyu tatambura mune rino sango.

Svikai zvenyu Mhofu svikai mhukahuru.

Ko zvamaiti shato kupinda mumba rova musoro,

Zvino dzihwamupengo iri torova pari papi?

Honai rachiti tekeshe nemusha wose

Siku nesikati hama dzofuga radzo dzoga.

Ko zvatakadira mhamba wani,

Hosha yopedza venyu vana,

Isu tofunga zvimwe makafuratira.

Zvivhindikiti, zvose nevatete,

Kwamupfiganebwe tande.

Mhuri dzopera vana sare nherera.

Svikai vanaShumba varidzi vemasango,

Mutiringire.

 

Nemiwo Nzou Samanyanga, 

Mutsika panotinhira, shoko ndiro ndiro

Tivhumbamireiwo, tiriritireiwo

Honai vana tadai kuparadzwa nedenda

Torakashwa nedzihwa mupengo.

Hunzi mwana asingacheme anofira mumbereko

Ndimi vachengeti, vavhumbamiri vedu.

Svikai henyu ana Gushungo, anaMoyo Chirandu, 

Vanachipangamazano,

Svikai tirimo musango

Mhizhahuru nehombarume tirimo

Tashushikana isu pwere dzenyu

Ana Tovera nanaChirorodziva 

Shoko ndirori mutiringirewo

Toparadzwa Covid-19.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×