‘Regai zvikoro zvichivhurwa’

Abel Ndooka

SANGANO rinoita tsvakurudzo yezveutano rweveruzhinji, reZimbabwe Community Health Intervention Research, rinoti kuvhurwa kwezvikoro kuchabatsira zvikuru vana nevamwe vadzidzi avo vange vave nenguva yakareba vachishungurudzwa kudzimba nenzira dzakasiyana zvichitevera kuvharwa kwakaitwa zvikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakazivisa svondo rino kuti zvikoro zvichavhurwa muzvikamu zviviri — chevana vekutanga chichitarisirwa kutanga musi wa15 Kurume, vamwe vose vozovhura musi wa22 Kurume.

Izvi zvinotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nevari kufa nedenda iri nyika yose.

Pari zvino bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana nechinangwa chekuona kuti matanho akakodzera atorwa kuitira kudzivirira kupararira kweCovid-19 panozovhurwa zvikoro.

VaWalter Chikanya, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwevana nevanhu vakuru dziri kuwanda munguva ino apo veruzhinji vakagara kudzimba.

Vanoti vamwe vana vari kushungurudzwa nevabereki vavo kana nehama dzepedyo.

“Vamwe vanhu vange vasina kujaira kugara vose kwenguva refu asi zvakazotanga nekuda kweCovid-19 izvo zvaona nyaya dzemhirizhonga uye kushungurudzwa kwevana kuchiwanda mudzimba izvo zvinosuwisa.

“Mudzimba zhinji hamusisina rugare uye izvi zvave kuona nevana vachishungurudzwa. 

‘‘Saka isu tinoona sekuti kuvhurwa kwezvikoro kuchabatsira kuti kushungurudzwa kwevana kuderere sezvo vanenge vave kuswera vari kuchikoro.

“Kuchikoro kwakanaka nekuti vana vanodzidziswa nekupihwa chenjedzo pamusoro pekushungurudzwa izvo zvatinoona zvichibatsira zvikuru muupenyu hwavo,” vanodaro VaChikanya.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *