‘HIV wakapihwa nani ini ndisina?’

Nyasha Bvudzijena
MURUME anogara kuEpworth ari kudya magaka mambishi achida kuziva kuti sei mudzimai wake akavhenekwa akabatwa aine utachiona hweHIV asi iye asina?

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Fungai Manyere akamhan’arira Benjamini Maweke achida gwaro redziviriro.

Manyere anoti ari kuoneswa ndondo nemurume wake nenyaya yekuti sei akabatwa aine utachiona hweHIV asi iye asina?

Mutongi Gladis Moyo akapa Manyere gwaro rinomuchengetedza.

“Changamire, baba ava vari kundidzinga pamusha watakavaka tose vachiti havachadi kundiona pamwechete nevana vatakaita tose. Vari kuti sei ndiine utachiona asi ivo vasina, nekudaro ndiri kugara ndakatukwa kunyangwe pazere vanhu,” anodaro Manyere.

Anoti murume wake akamutambisira nguva yake sezvo vakagara vose kwemakore akawanda.

“Baba ava vave kundishainira asi vakapedza makore angu pasina nekundichembedza nenhamo, vave kundidzinga sembwa pamusha wandakashandira. Zvino ndingaendepi nevana?

“Zvakare, kubva pavadzoka vanoramba kusangana neni pabonde saka ndoitawo sei?” anodaro.

Maweke anoti haapikisane nechikumbiro chemudzimai wake kudare asi haakwanise kugara naye sezvo achimumanikidza bonde risina dziviriro.

“Mai ava vanondimanikidza kusangana navo pasina kudzivirira vachiti ndinofanira kutozarawo chirwere saka zvinotondinetsa uye handitoziva kuti vakachiwanepi nekuti ini ndakawanika ndisina.

“Ichokwadi ndakambobva pamba asi zviri pachena kuti mudzimai uyu akasara achiita chipfambi panguva yandainge ndisipo saka ngavabve havo,” anodaro Maweke.

Mutongi Moyo anoti Manyere anofanira kudzokera kunogara pamba uye vaviri ava ngavachengetedze runyararo pakati pavo nguva dzose.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×