Vana chitsokotsoko l 75 pamurairidzi mumwe chete

Muzvimwe zvikoro, sechekuBudiriro ichi, vana vari kudzidzira panze uye vakawandisa
Muzvimwe zvikoro, sechekuBudiriro ichi, vana vari kudzidzira panze uye vakawandisa

VAMWE vabereki vari kunyunyuta nenyaya yekuwandisa kwakaita vana mumakirasi mune zvimwe zvikoro, izvo zvavanoti zviri kukonzera kuti varairidzi vatambure mukuita basa ravo nemazvo.

Kwayedza yakaita ongororo mune zvimwe zvikoro zviri muHarare nekuChitungwiza ikaona kuti vamwe vana vari kufunda vari 50 kana 70 mukirasi imwe chete.

Vabereki nevana vakakurukurwa navo vanotsinhira nezvekuwandisa kwevadzidzi mumakirasi vachiti zviri kukonzera kuti vadofore.

“Isu tiri kudzidza tiri 50 mukirasi nekuti makirasi mashoma. Mukirasi matinofundira tinoita zvekuchinjana nemaForm 3 ayo anofunda makuseni isu tichizopindawo masikati. Kuwanda kwatakaita mukirasi kunotikanganisa zvekuti kunyangwe vamwe vakaita ruzha kirasi yose inorohwa nekuti ticha anenge achitadza kuziva kuti ruzha rwabva nechepapi,” anodaro Portia Mutunzi (13) anodzidza paMbare High.

Mashoko ake akatsinhirwa naNatasha Mbiriri (13) uyo ari muForm 3 pachikoro chimwe chete ichi achiti kuwandisa kwevadzidzi mukirasi kunogona kuita kuti murairidzi akundikane kupedza kumaka mabhuku ose evana nenguva izvowo zvinokanganisa dzidzo yavo.

VaBlantia Batisiyawo (52) vekuMbare zvakare vanoti pavakadzidza kare, vana muzvikoro vakange vasingatenderwi kuti vadarike 45 mukirasi imwe chete.

“Ndine muzukuru wangu anodzidza kuArdbennie Primary School, uko vana vari kudarika 50 mukirasi zvekuti unoona vakagara vakamanikidzirana pamabhenji,” vanodaro.

Mai Flora Basitiyawo (51) vemuHarare vanotiwo vamwe varairidzi vari kukundikana kupedza sirabhasi nekuti vana vanenge vakawandisa mukirasi nekudaro zvinovaremera kuti vavafundise vose nenguva vachibata zvidzidzo zvacho.

“Takaona zvakare kuti mamwe maticha ave kuita katsika kekutora zororo vachienda kunohodha zvinhu kunanaBotswana kana South Africa vachisiya vaisa vana vavo mune imwe kirasi kureva kuti vana vanenge vave 100. Atori madhiri iwayo nekuti ticha anogona kungonzi ari kurwara iye ari kuhodha hake,” vanodaro.

VaRaslivy Honaku (30) avo vane vana vanodzidza paNharira Primary, kuMbare vanoti vadzidzi vari kudarika 50 mukirasi zvinoita kuti vakundikane kufunda zvakanaka.

“Pekugara panenge pasingakwane zvekuti kana kunyora vana vanenge vachingosairirana.

“Vamwewo vave kunofunda muzvikoro zvemudzimba zviri kungonyuka muno nekuti zvakaderera uye hakuna kuwandwa,” vanodaro.

VaChamunorwa Mupedza (32) vakashorawo kuwandisa kwevana mumakirasi.

“Hatizivi hedu kuti mukirasi munofanira kuita vana vangani asi nemeso edu tiri kuona kuti vakawandisa. Kana nhamba yemwana chaiyo tinotoona kuti maticha ari kunetseka kupa vana manhamba. Ukatoona mwana aita nhamba 40 anenge atopasa nekuti mukirasi vanenge vari 70 kana kudarika. Ticha anototemwa nemusoro kuti awanise vana nhamba iyoyo nehuwandu hwavo,” vanodaro.

 

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×