
MURAIRIDZI wemaWarriors, Callitso Pasuwa, anoti ari kukungura kutadza kuuya kwevatambi vatatu vanoti Brendan Galloway, Tendayi Darikwa naMacauley Bonne, avo vanotambira kuEngland.
Vatatu ava vainge vadaidzwa kuzopinda muchikwata chaPasuwa icho chichatatsurana necheSwaziland mumitambo miviri yekurwira tikiti rekuenda kuAfcon 2017.
MaWarriors achasangana neSwaziland mumitambo miviri yakatevedzana apo wekutanga uchatambirwa kunhandare yeSmhlolo National Stadium, kuSwaziland neChishanu chino.
Wechipiri uchatambwa nemusi weMuvhuro muno kunhandare yeRufaro Stadium.
Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Pasuwa anoti ange akatarisira vatambi vatatu ava zvikuru asi vakakundikana kuuya nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Galloway anotambira Everton, muEnglish Premier League, Darikwa achitambirawo Burnley muEnglish Championship kozoti Bonne mutambi weColchester United muEnglish League One.
Galloway akazvarirwa muZimbabwe ndokukurira kuEngland.
Muchinda uyu svondo rapera, mushure mekunge ashevedzwa naPasuwa, akabva ashevedzwa zvakare neEngland kuti atambire chikwata chavo chemaUnder-21.
Kozoti Darikwa, uyo akazvarirwa kuNottingham, ikoko kuEngland, anodawo chaizvo kutambira maWarriors asi akakumbira kuna Pasuwa kuti ambomira kuuya pari zvino sezvo achinzi zvinhu hazvina kumira zvakanaka muwanano yake.
Bonne — uyo akazvarirwa kuEngland asi vabereki vake vari vemuZimbabwe — akakundikana kuuya nekuti, sekutaura kwaPasuwa, haana pasipoti yemuno.
“Vakomana vatatu ava ndange ndakavatarisira zvikuru asi vose vakundikana kuuya nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Galloway anoda chaizvo kutambira England uyuwo Darikwa akakumbira kuti timbomupa nguva sezvo ari pakati pekugadzirisa zvemumhuri yake kozoti Bonne mapepa ake haana kukwana. Takamboedza kumhanya-mhanya kuti timutsvagire asi nguva ndiyo yakatidya.
“Mamiriro akaita zvinhu anoratidza kuti Galloway haasi kuda zvekutambira nyika yake yaakazvarirwa, ari kuda England. Tichangosiyana naye toramba tichidzingirirana naDarikwa naBonne nekuti vari kuratidza chaizvo kuti vanoda kuuya kuzotimirira,” anodaro Pasuwa.
Mitambo miviri ichasangana maWarriors neSwaziland yakakosha zvikuru sezvo zvikwata izvi zvakaenzana muboka razvo reGroup L.
Zvikwata zvose zvakahwina mutambo mumwe chete zvikaita mangange mumwe wacho saka maWarriors akakwanisa kutora zvibodzwa zvose zvitanhatu mumazuva ari kutevera anenge ave nemukana mukuru wekubudirira kuenda kunokwikwidza kuAfcon 2017.
Mumutambo wekupedzisira wezvikwata zviviri izvi uyo wakatambirwa kuSwaziland, maWarriors akahwina 2-0.
Pasuwa achange akatarisira vatambi vakaita saKnowledge Musona, Khama Billiati, Kudakwashe Mahachi naCosta Nhamoinesu kuti varwe semvumba kuitira kuti vagokunda mumitambo iyi.



