
MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Adrain Musiiwa, vanoti zvirwere zvemukanwa zvizhinji, kunyanya izvo zvinowodza mazino, zvinokonzerwa nekudya kune shuga yakawanda.
Vakataura mashoko aya neChipiri svondo rino pamhemberero dzezuva rekucherechedza utano hwemukanwa, reWorld Oral Health Day, idzo dzakaitirwa muHarare.
“Hurumende ine basa guru rekudzivirira zvirwere zvemukanwa kuburikidza nekuisa mitemo inokoshera veruzhinji takanangana neutano hwavo. Kune zvirwere zvemukanwa zvakawanda zvinobata nhengo dzakaita semumuromo, mazino, mikombero yemazino, matadza, rurimi nemabhonzo izvo zvine zviratidzo zvakasiyana. Zvirwere zvizhinji zvemukanwa zvinokonzerwa nekudya shuga yakawanda,” vanodaro.
Dr Musiiwa vanoti kana mazino akapindwa neshuga anoumba maasidhi ayo anodya mazino zvichiita kuti asare ave nemakomba kana kuti awora uye achinhuhwa.
“Kune zvirwere zvakadai seHalitosis izvo zvinokonzera kunhuwa kwemukanwa kuchizoti Periodontal chinova chinobata mikombero yemazino zvichiita kuti azunguzike. Kune gomarara remukanwa zvakare uye utachiona hweHIV hunokonzera kusanduka kweruvara rwemazino.
“Kuti zvirwere zvemukanwa zvidzivirirwe, panoda mushandirapamwe weHurumende kusanganisira chikamu chinoona nezvemari nechedzidzo neveutano,” vanodaro Dr Musiiwa.
Vanoti kana zvirwere izvi zvikasadzivirirwa zvinoderedza kusimukira kweupfumi hwenyika apo vana vanenge vave kurovha kuchikoro nevashandiwo vachirovha kumabasa.
“Pasina utano hwakanaka hwemukanwa, munhu haangakwanisi kukurukura zvakanaka pane vamwe nekuti anenge achinyara kuti ane mavende kana kunhuwa mukanwa. Tinoda kuti vanhu vakweshe mazino avo kaviri pazuva kubvira pazera diki.
“Chikamu che90% chevanhu pasi rose vane mikana yekutambudzwa nezvirwere zvemukanwa kamwe chete muupenyu. Pari zvino 20% yevanhu vane zvirwere zvemukanwa apowo 2% vachitambudzwa negomarara remukanwa. Zvirwere izvi zvinokwanisa kudzivirirwa nekugona kuchengetedza mukanwa kuburikidza nekumugeza nguva dzose uye kuregedza kudya zvinhu zvine shuga yakawanda,” vanodaro Dr Musiiwa.
Vanoti mwana kana achinge asvitsa makore matatu anenge ave kukodzera kuti achitangisa kuenda kunoona machiremba emazino uye zvinobatsira kuti ange achichengetedzwa asati akanganisika.
“Tinokurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa mazino avo mukati memwedzi mitanhatu yega-yega nemachiremba,” vanodaro.
Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiriri weZimbabwe Dental Association, Dr Lovemore Mahachi, vanoti vanhu vanofanira kusiyana nezvinhu zvakadai sekuputa fodya nekunwa doro nekuti zvinokanganisa utano hwemukanwa zvichimutsa zvakare zvirwere zvakaita sezveshuga, gomarara nechemoyo.
“Kukanganisikika kweutano hwemukanwa kunokonzera kuti munhu asave nekudyidzana kwakanaka nevamwe sekuti muzvikoro vamwe vana vanotonyara kuseka nekuda kwekuti mazino avo anenge akasviba kana kuwora,” vanodaro.
Mhemberero dzeWorld Oral Health Day dzinoitwa nomusi wa20 Kurume gore negore uye iko zvino nyika dzave nemakore anodarika gumi dzichipemberera zuva iri kubva zvarakavambwa mugore ra1994 nesangano reWorld Health Organisation (WHO).
Gore rino, mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Zvese zvinotangira pano. Mukanwa mune utano, Muviri une utano”.




