Gonzalo ofarira kunotambira Barca

GONZALO Higuain
GONZALO Higuain

MUTAMBI weNapoli, Gonzalo Higuain, akabvuma kuti irombo rakanaka kutambira Barcelona chinove chikwata chinotambirwa neshamwari yake – Lionel Messi –  uye izvi zvinotevera mashoko ekuti maCatalans anoda kuunza shasha iyi kuNou Camp.

Higuian akatengwa nechikwata chekuItaly ichi, Napoli, kubva kuReal Madrid gore radarika asi Barca inonzi iri kuda kutenga mutambi uyu imudzose kuSpain apo iri kutarisirwa kuvakwa patsva nemurairidzi wayo, Luis Enrique.

Zvakadaro, Napoli musi weSvondo yakati mashoko iwayo ndeenhando asi nerimwe divi,  zvakataurwa naHiguain zvabva zvaburitsa pachena kuti mutambi uyu zvechokwadi anogona kuenda kuchikwata ichi. Achibvunzwa kuti angafare here kuzotambira kirabhu imwe chete nakaputeni weArgentina, Messi, kuNou Camp, Higuain akaudza bepanhau rekuSpain, Efe, kuti: “Hongu. Ndagara ndinofara zvikuru pese pandinenge ndichitamba, tichitambira nyika yedu.

“Igaroziva kuti chiremerera chikuru, asi parizvino ndiri kumbofunga nezveWorld Cup chete.
“Ndinofara kunzwa kuti ndiri kudiwa kutengwa neBarca. Mutambi wese anotofara.”

Higuain aitaura mushure mekunge Argentina yakunda Bosnia and Herzegovina 2-1 svondo radarika kumutambo weWorld Cup kuBrazil. Higuain akanwisa ka107 mumakore matanhatu kuReal Madrid asati azotengeswa gore radarika kuNapoli uko akasaina kondirakiti yemakore mashanu uye chikwata ichi, icho  chinokwikwidza muligi reSerie A, chinonzi chakabhadhara mari inosvika 40 miriyoni euro pamutambi uyu. — Daily MailOnline

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×