Zim Beach Volleyball yotsvagirwa vakotsveri

LIBERTY Maidza
LIBERTY Maidza

SANGANO reZimbabwe Beach Volleyball Association svondo radarika rakaita musangano waive nechinangwa chekusimudzira mutambo uyu pamwe nekutsvaga vakotsveri vanoutsigira. Musangano uyu uyo wakaitirwa paZimbabwe Hall kwaMachipisa kuHighfield kunotambirwa mutambo uyu uye wakapindwa nenhengo 22 dzakabva kumasangano akasiyana akaita seevarairidzi, vatungamiriri vezvikwata nevatungamiriri vezvikoro zvinotamba mutambo uyu.

Nhengo yeZim Beach Volleyball Association, Erasmus Mupukuta, anoti nyaya huru dzaikurukurwa pamusangano uyu ndedzekutsvaga vakotsveri vangakwanise kunovatakurira jecha rinowanikwa kunyanza kuti rigouyiswa panhandare yepaZimbabwe Hall apo panotambirwa mutambo uyu.

Anoti jecha riripo parizvino   handiro rinofanirwa kunge richishandiswa pamutambo uyu.
“Tiri kuronga mitambo yakawanda gore rino yebeach volleyball nekuti tinoda kuumba zvikwata zvedu zvakasimba izvo zvatinopota tichitumira kumitambo yekunze kwenyika.

“Pamusangano wedu watakaita svondo radarika takaronga kuti zvakakosha chaizvo kuti tive tinodzidzisa mutambo uyu kubva pekutanga chaipo izvo zvinova zvinopa vatambi vedu ruzivo rwakanyanya.
“Imwe nyaya yaive yejecha, tiri kutsvaga vangakwanise kutitakurira jecha redu kubva kunyanza.

“Jecha iri takariwana changosara chete kuritakura kubva kwariri. Tinoda kuti mutambo uyu unge uchitambirwa mujecha remunyanza chairo nekuti harisimudze huruva uye hariite madhaka. Jecha repaMachipisa paFiyo apo patinotambira mutambo uyu hariite, tinozongorishandisa hedu sezvo pasina zvekuita,” akadaro Mupukuta.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×