Mwedzi 44 mujeri aba midziyo inokosha US$2,4k

Muchaneta Chimuka

MURUME wekusvikopinda mumuzinda weEcocash Agents kuZvipoto Shops kuUnit O, kuChitungwiza ndokubira madzimai maviri mari nemidziyo inokosha US$2 340 ozvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti agare mujeri kwemwedzi 44 izere.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, VaDennis Mangosi, vakapa Providence Shumba (29) wekuChitungwiza kwakare chirango chekugara mujeri kwemwedzi 44 izere.

Pamidziyo yaakaba iyi, inokosha US$630 bedzi ndiyo yakaburwa.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa25 Chikumi gore rino munguva dzemanheru, vashandi vaviri ava vakanga vari mushishi kuverenga mari kuti vapedzise basa ravo apo Shumba akangosvikopinda muchitoro mavo achibva atanga kureva mari kubva kumumhan’ari, Tafadzwa Gwiti.

Gwiti nekutya, akamupa US$180 achibva aenderera mberi nekureva imwe mari kubva kuna Loveness Muswe anova akaramba kumupa.

Izvi zvakagumbura Shumba achibva amutendeka nebanga rakananga pachipfuva chake nechekuruboshwe achimutyisidzira kuti aizomubaya naro.

Nekutya, vaviri ava vakazvivhara kumeso nejira.

Panguva iyi, Shumba akaenda kuseri kwekaunda achibva aba US$560 musherefu inova yaiva mari yaMuswe.

Akaba zvekare nharembozha yerudzi rweItel A50C, Huawei Smart uye majuice cards 1 657 eEconet neNetone aitengeswa muchitoro ichi.

Mushure mehumbavha uhwu, Shumba akataurira madzimai aya kuti vachivhura havo zviso iye achibva abuda pasina akamuona.

Zvisinei, midzimu yakadimbura mbereko pazuva iri apo madzimai aya akadaidzira kuti: “Mbavha! mbavha!”

Izvi zvakaita kuti veruzhinji vatandanise Shumba achibva adonhedza nharembozha yemhando yeItel A50C inova yaTonderai Katema.

Ari kungunotiza kudaro, Shumba akaita rombo rakashata rekusangana nemahwindi anova akamutandanisa achibva amubata ndokumuendesa kumapurisa zvakaita kuti asungwe.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×