Gororo rasvetuka kubva mu1st Floor pakamba yemapurisa . . . ndokuzozama zvekare kujamba jurahoro

Muchaneta Chimuka

RIMWE gororo  rekuChitungwiza, iro raive rasungirwa mhosva yekupaza motokari yevaridzi ndokuba midziyo yemo, rakazama kutiza pakamba yemapurisa yeZRP Makoni nekutsvetuka kubva mu1st Floor rinochinowira pasi apo rakakuvara uye ndokuyedza kutsvetuka jurahoro asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Mafios Nongai,  uyo asina pekugara pakati tsverere, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court achitarisana nemhosva yekuba uye kutiza kubva muhusungwa.

Mutongi wedare iri, VaBatsirai Madzingira, vakamutemera chirango chekugara mujeri kwemwedzi 36 pamhosva yekutanga yekupaza motokari yevaridzi nekuba midziyo yemo.

Vakazomubvisira mwedzi 12 pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Pamhosva yepiri yekuda kutiza muhusungwa, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 izere iyo achange achipika panguva imwecheteyo nechirango chemhosva yekutanga.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa9 Gunyana gore rino nenguva dza3 mambakwedza, mumhan’ari, Collins Kapeta (snr) akanga arere mubhedhuru make apo akanzwa mutsindo wekufamba kwemunhu pachivanze chake.

Akaenda kwaive nemotokari yake yerudzi rweToyota Venture ine nhamba dzinoti AFX 1067 kunova kwaive nemutsindo uyu. Panguva imwechete iyi, akabva ataurira vanakomana vake vaviri vanoti Collins Kapeta (jnr)  naTakunda Kapeta uye sekuru vake, Michael Mahachi, vanova vakamuka ndokuenda kupaseji pedyo nemusuwo.

Pavakasvika, vakaona mukati memotokari iyi muine munhu ainge akagara  akabatidza tochi yenharembozha.

Pavakaenda paari, Nongai akabva asvetuka achibuda achibva anonhedza redhiyo yemumotokari ne‘Bluetooth speaker’ pasi ndokutanga kutiza.

Vakamutandanisa  vachibva vamubata mushure mekukundikana kwake kusvetuka mudhuri wepamba apa uye akatanga kuvatyisidzira nesimbi (bolter cutter) yaainge akabata  asi havana kutyiswa nazvo.

Vakaona zvekare kuti ainge aba imwe JVC Car Radio, Rich Lion Bluetooth Speaker uye aine ‘chisel’ iyo yaakadonhedza padyo nemotokari uye nekanharembozha ako aishandisa kuvhenekesa mumotokari panguva yekuba.

Midziyo iyi yakabudiswa mudare seumbowo.

Pamhosva yake pepiri ine mumhan’ari akamiririra Hurumende (State) vanova Assistant Inspector Taurai Moses Taziva Mudiwa (38) vepanhamba 13261 Unit G, Chitungwiza.

Nyaya iyi yakaitikira paZRP Charge Office kwaMakoni nomusi wa9 Gunyana wekare apo Nongai ainge aendeswa kukamba yemapurisa nemhosva yekupaza nekuba mumotokari yevaridzi.

Asst Insp Musiwa vainge vari pabasa pavo nenguva dza4 mangwanani apo vakapihwa musungwa uyu naCollin Kapeta (snr).

Panguva iyo vakanga vari mushishi kumuperekedza kuti vanomupinza muchitokisi,  akabva amuka chibhebhenenge ndokuvatiza achibva akwanya mahwindo maviri ndokusvetuka kubva mu1st Floor achinowira pasi zvakaita kuti akuvare zvakanyanya.

Zvisinei nekuti ainge akuvara, akamuka ndokumhanya achida kunosvetuka mudhuri wepakamba asi akaundikana.

Asst Insp Mudiwa vakadaidzira kuti awaniswe rubatsiro vachibva vabatsirwa naCollin Kapeta (snr) anova akamhanya akanomubata ndokudzoka naye kukamba yemapurisa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×