GRADE 7: Kushandisa madimikira

Ticha Danga
ZVAZVADAI tava kudongorera mukunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore. Kupera kwaNyamavhuvhu tinenge tasarirwa nemwedzi waGunyana chete, tobva tapinda mukunyora bvunzo. Izvi zvinoreva kuti nguva chaiyo hapachisina.

Svondo rekutanga raGumiguru chinenge chatogundika nekudaro ngativei takagadzirira kuitira kuti zvigozorega kutigozhera musi webvunzo.

Iro bvunzo harina anoziva kuti rinouya rakatakura chii. Zvinodudza kuti mukuita gadziriro umu, tinofanirwa kubata-bata pose muchiShona chedu.

Chikamu chino tinoda kubata madimikira kuti tizive zvaanoreva tigogona kuashandisa muzvinyorwa zvedu.

Kana zvichinzi achiri kutemwa dzinobva ropa zvinoreva kuti munhu uyu achiri wezera rechidiki. Anenge achiri mwana wechidiki anofanirwa kunge achishewezheka kana kumhanya mhanya kana achinge atumwa.

Kana vanhu vachimukira mangwanani tinoti vafumorova nhetserwa. Vanenge vamuka runyanhiriri kuenda kumabasa kana kuenda rwendo. Tinogona zvakare kuti kufumobata jongwe muromo.

Kurebesa muswe segonzo kufarisa zvisina nemwero wozopedzisira wapinda mumatambudziko. Kurebesa muswe segonzo uku kunowanzo itwa nezvikomana nezvisikana zvinenge zvichiita manyemwe zvichionererwa nevanhu dzamara zvazowira muna taisireva.

Dzimwe nguva vanhu tinonyengedzwa nekugarira zvinhu zvisina maturo. Tinogona kupedza nguva takamirira tichitarira zvinhu zvisingabudirire.

Uku ndiko kunonzi kugarira guyo sembwa.

Kubaya dede nemukanwa kutaura ckokwadi nemazvo kana kuti kutsanangudza maitikiro ezvinhu nemazvo.

Kungava kurondedzera mafambirwo akaitwa rwendo nevanhu kana kuti kutsanangudza mamiriro chaiwo echinhu.

Kana munhu achinzi anechinya chiri pahuma zvinoreva kuti munhu iyeye anokurumidza kutsamwa.

Kana nezvinhu chaizvo zvidikidiki hadzitani kudambuka. Haana hushamwari hunoenda kure. Anogonazve kuti ane waya dzinodambuka.

Kuva nepamuromo zvakasiyana nekuva nepamuromo pasingamharwi nenhunzi.

Uya ane pamuromo munhu anodenha nekusvotesa vamwe.

Zvasiyana neuya ane pamuromo pasingamharwe nenhunzi nekuti uyu haanete kutaura. Vamwe vanenge vakangomuterera iye achingoyavaya.

Kubura chakati tende kudenha chinhu chinozokupinza munjodzi.

Kubata maneka kutambura zvikuru uchishungurudzwa nemumwe munhu.

Unogona kunge wakamutadzira nekumutorera kana kumuparadzira chinhu chake iye obva okushungurudza achida kuripirwa kana kudzorerwa chinhu chake.

Kana zvichinzi abereka chitsiga chine moto kumusana kureva kuti munhu azvipinza mumatambudziko makuru nekuda kwezviito zvake. Ndizvo zvakafanana nekuti kurumwa nechekuchera.

Dzimwe nguva tinoda kutsanangudzirwa zvhinhu zviri pachena zvatiri kuona.

Kuita uku kunodimikirwa kuchinzi kubvunza nyama makushe uchiona.

Related Posts

Musha wonaya matombo anobva mumhepo

Kingstone Mapupu MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, inoti yaona nhamo nekutemwa nematombo anobva mumhepo, izvo zviri kukonzera kuparadzika kwemba yavo pamwe chete nemidziyo. Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yaVaEdward…

Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete). Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *