VANHU vaive mudare vakasiririswa apo mumwe mukadzi akati hanzvadzi yake yakamudzinga mumba yavakasiirwa nevabereki vavo ndokuisa maroja uye ari kugara panze apo ari kunaiwa nemvura zvose nemidziyo yake.
Juliana Katsande akamhan’arira hanzvadzi yake Lovemore Katsande kuHarare Civil Court achida kudzivirirwa pamwe nemvumo yekudzokera kugara mumba. Anoti kubva pakashaya vabereki vake, haana rugare nehanzvadzi yake. “Changamire, kuuya kwandaita kuno ndabva panze nekuti ndipo pandiri kugara. Akandidzinga mumba asi iyi imba yevabereki vakashaya saka ndine kodzerowo yekugara pamba apa. “Iko zvino midziyo yangu iri panze yaparara uye ndanzwa nekupurwa nemvura pamwe nekutsva naiyo ‘heat wave’ iriko iyi. Akatotora maroja kuti agare mumba achisarudza kuti ini ndigare panze.
“Anonditukirira achiti ndiri muroyi, ndiri kuda kuuraya mwana wake. Ndiri mwanawo saiye pamba ipapo asi anondifurufusha. Ndinokumbira kuti dare rindiyamurewo, hausi upenyu hwandiri kurarama,” akadaro Juliana.
Lovemore akaudza dare kuti hanzvadzi yake yakanga yagara ichiziva hurongwa hwekuti ibve pamba apa sezvo semhuri, vakanga varonga kuti imba iiswe maroja. “Hanzvadzi yangu iyi haisi kuda kurumuka. Takaita dare semhuri tikamupa nguva yekubva pamba kuti titsvage mari yekuchengeta vana veimwe hanzvadzi yangu yakashaya asi zvava kuita kunge zvitsva kwaari. Hapana munhu anokwanisa kuriritira vana ivavo saka takamuti achitsvaga kwakewo azviraramire iye kwava kuti handibve, ndogara hangu panze.
“Nyaya yekuti ndinomuti muroyi manyepo chaiwo, tingangonetsanawo apo neapo sevanhu vasina kugarisana zvakanaka,” akadaro Lovemore.
Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Juliana akati adzokere kunogara mumba pamwe nemidziyo yake. Akati Lovemore haana mvumo yekudzinga hanzvadzi yake mumba sezvo vose vasiri varidzi vemba iyi.




