Grade 7-Midziyo yaisevenzeswa kare

Ticha Danga
MIDZIYO yekushandisa yakatikoshera nekuti inoita kuti mabasa areruke kuita. Kubudikidza nemidziyo, vanhu vanokwanisa kuita mabasa aifanirwa kuvatorera nguva yakareba nenguva diki. Kuzvidzidzo zvedu zveSainzi chaizvo tinoudzwa kuti midziyo inorerutsa basa uye nguva zhinji yaifanirwa kutorwa kuchiitwa basa rakatiomei inogona kuzoita shoma asi iro basa racho raitwa namazvo. Tinoda kumbotarisa midziyo yaishandiswa navakuru vakare.

Dzimba dzataigara kare dzaisava neuriri sehwaveko mazuva ano uhwo hwava kuvaima mushure mekutsvairwa. Dzimba dzaiva neuriri hwevhu raisanganiswa nerechuru izvo zvaida kuti zvitsindirwe kuti zvienzane zvozogarika zvakanaka. Nekudaro paishandiswa chinonzi chikuvauro kana kuti chidzayo.

Zviyo zvinokuirwa paguyo kuti tiwane hupfu hwebota kana hwesadza asi kana tokuya fodya iya yekuisa mugonamombe ichizosvutwa mumhuno tinenge toshandisa nhombo kana kuti chigato pakukuya. Fodya yacho iyoyo yakuiwa inozochengeterwa munhekwe, chibako, nyere kana kuti tsembe.

Kana toda kukanga zvekudya tinoshandisa gango, rwenga kana kuti chiwaya. Mazuva ano tava kuti chipunu kana tichitaura pamusoro pechatinoshandisa kudyisa chikafu asi makarekare taichidaidza kuti rukwati kana ruwande.

Mafuta aisvinwa kubva munzungu asi aizochengeterwa muchinu kana kuti nhera. Hupfu hwokubikisa sadza hunochengeterwa mudenhe kana kuti mujeka. Vamwe vanodaidza denhe kuti nzeka.

Mbeu dzekuzodyara mwaka inotevera dzinochengeterwa mudende kana kuti muguchu. Hwahwa hunobikirwa mugate kana kuti muchikanga. Kana hwapera kubikwa, hunodirwa mumhirimo kana pfuko. Mhirimo inonzi nevamwe nyengero kana mbukuro.

Kana paya hwahwa huchisvinwa vanhu vanoshandisa chisvino kana kuti tyuzu kubvisa masese kuchisara mhanga inozonwiwa.
Tapedza kutsvaira marara tinoahorera mugwati kana kuti muzengwete tichinorasira padurunhuru.
Derere rinoninirwa muchikari kana kuti muhadyana. Rinoninwa nemugoti.

Zvirimwa zvakaita sezviyo, mhunga nemapfunde zvinochekwa hura hwazvo pazvinokohwewa nemidziyo yakakodzera yekutakurira zvinhu izvozvo zvisati zvapurwa kana kuti zvapurwa. Kana zviri zvishoma tinotora tswanda yepfeyo kana yetsanga totakurisa asi kana zvawanda zvava kuda sandanga kana kuti sengende. Masandanga aya aibva akandwa pazvirei zvaizokakatwa nemombe asi iye zvino ava kugadzikwa muzvikochikari apo anozokwevewa nemombe.

Tinozoshandisa tsero kupepeta zvapurwa kubvisa hundi neimwe tsvina tisati tarongedza. Rusero rwunoshanda zvakare pakuurutsa tichisiya musvo.

Related Posts

Musha wonaya matombo anobva mumhepo

Kingstone Mapupu MHURI inogara kuDzivaresekwa Extension Phase 1, muHarare, inoti yaona nhamo nekutemwa nematombo anobva mumhepo, izvo zviri kukonzera kuparadzika kwemba yavo pamwe chete nemidziyo. Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yaVaEdward…

Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete). Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *