‘Ndinodawo nguva nemurume wangu’

Milcah Nhakura
HONDO yekurwira murume pakati panyachide navahosi yakazoperera kudare vahosi vachiti vari kushaiswa nguva yekusanana na“daddy” nekuda kwemukadzi mudiki uyo ave kugara akaita “chimamira” pavari. Tendai Jikisi akamhan’arira vahosi vake Dorika Chikwama kuHarare Civil Court achiti vanomurova, kumutuka nekumunyadzisa pane vanhu.

“Changamire, ini namai ava tiri pabarika, ndivo mukadzi wekutanga. Asi mai ava vanouya kumba kwangu vachindirova vachiti ndinotora nguva yose nemurume uye ndinomutadzisa kushanda. Tinoshanda pabasa pamwe chete nemurume uye, ndiye anouya oga kumba kwangu ndisina kana kumbomudaidza,” anodaro.

Jikisi anoenderera mberi: “Ndakatombomhan’ara kumapurisa kaviri uye akambondityisidzira kundipisira mumba nepeturu. Handichina mufaro, ndava kutya kutorara mumba saka ndinokumbirawo gwaro rerunyararo.”
Chikwama anopokana nechikumbiro chaJikisi.

“Pamusoroi vedare, mainini vangu havana kana mwana ndokusaka vasingandinzwisise. Vane humbimbindoga pamurume, vanomutora kubasa voenda naye kumba kwavo izvo zvave kumutadzisa kushanda kuti ariritire mhuri yake nekuti anenge ainavo. Chimwezve ndechekuti murume haachina nguvawo neni,” anodaro. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Jikisi gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *