‘Ndakarohwa nemurume ndikasvodza’

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakashamiswa zvikuru apo mumwe mukadzi akati murume wake ari kumushurungurudza achida kuti abve pamba achimupomera kuti ane utachiona hweHIV uye pose paanoita pamuviri anomuzvindikita kuitira kuti pasvodze.

Cathrine Muredzi akamhan’arira Fari Mutandwa kuHarare Civil Court achiti:

“Murume wangu anogara achindirova nekundituka pamwe nekundikiyira panze achiti ndine utachiona hweHIV. Pamusoro pazvo, anondituka ini pamwe naamai vangu achiti tose kumba kwedu tiri pfambi saka ini handichakwanisi kugara ndichishungurudzwa zvakadaro.

“Ndiri kukumbira dare kuti rindidzivirire kubva mukutukwa, kurohwa nekudzingwa pamba patakavaka tese. Anoti pese pandinenge ndazvitakura anondirova zvekuti mimba iyoyo ibve.”

Muredzi akati mugore ra2013 akarohwa naMutandwa aine pamuviri kusvikira pabva apo pakange pave nemwedzi mishanu.

“Pari zvino ndine imwe nhumbu uye anoti acharamba achindirova pamwe nekundishungurudza kuti mimba yandinayo ibve,” akadaro.

Mutandwa akaramba kuti anogara achishungurudza Muredzi.

“Mukadzi uyu ndakatorana naye ari pamapiritsi asi haana kana kumbonditaurira kuti ari kurwara neutachiona. Saka handikwanise kugarisana naye. Nyaya yenhumbu yaataura kuti akabva tanga tigere tese pasina kana bongozozo uye handina kumbomutukira amai vake kuti chipfeve saka zvizhinji zvaataura pamusoro pangu manyepo,” akadaro Mutandwa.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Muredzi gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *