Gwenyambira Piloto osimudzira mureza wenyika kuZimFest

Liberty Dube

SHASHA yekuridza mbira, marimba pamwe chete nekuimba — Lino Piloto — uyo akazvarirwa kuDangamvura kwaMutare, osimudzira mureza wenyika kudopiro reZimFest 2025 kuWashington DC.

Piloto akatungamira zvidzidzo zvemarimba, mbira, nehosho paCentral Washington University, kuEllensburg, uko kwakatanga mutambo weZimFest nemusi weChina svondo radarika uye ndokupera neSvondo.

Mutambo uyu, uyo wakapfuma munyaya dzekusimudzira tsika nemagariro uye unoshandura hupenyu, wakaona Piloto achiratidza hunyanzvi hwake pazviridzwa zvechinyakare – ndima yaakagona mubasa rakatora makore anopfuura makumi matatu.

Akaenda kuAmerica ari muimbi ane mukurumbira achisiya chikwata chake chenziyo dzechinyakare, Ntswai Ntswai, icho chiri kuDangamvura.

Chakavambwa naPiloto muna 2000, Ntswai Ntswai yakura kuita chimwe chezvikwata zvinoremekedzwa zvikuru muZimbabwe, izvo zvaona shasha iyi ichipinda mumitambo yakawanda yemuno nekunze.

Achitaura ari kuWashington DC, Piloto anoti ane mufaro wakanyanya pakumirira Zimbabwe pachiitiko chine mukurumbira kudai.

“Chiitiko ichi chinondininipisa zvikuru. Kutakura tsika nemagariro angu, pamwe nemweya wemuDangamvura kuenda nazvo mhiri kwemakungwa hachisi chinhu njee, asi kuti munongedzo wechinangwa chikuru. Ndave nemakore anodarika makumi matatu ndakazvipira kuita basa iri, uye kuva kuZimFest kunoratidza kuti mhanzi yechinyakare ichine inzwi rine simba pasi rose.

“Ndinodada nekumiririra, kwete Zimbabwe chete, asi midzi, mutinhimira nemweya wenhaka yemuAfrica.

“ZimFest chirongwa chinoshamisa, pano ndiri kusangana nevaimbi, vadzidzi nevadzidzisi vane chidokwa-dokwa chechokwadi chekudzidza pamusoro pezviridzwa zvedu, nziyo dzedu nenyaya dzedu, ndakaona vanhu vachichema vachiteerera mbira,” anodaro Piloto.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinodawo kukurudzira vechidiki kuti vazive midzi yekwavakabva. Musanyare nekuda kwetsika nemagariro edu. Tiri hupupu hwekuti mazwi edu akakosha pasi rose. Tiri kutaura nyaya yedu zvakasanangurika.”

Lino Piloto ndiani?

Muimbi anoremekedzwa zvakanyanya munyaya dzembira, marimba nemimhanzi. Akatanga kuridza mugore ra2000 ndokuzoumba chikwata cheNtswai Ntswai, icho chave kuzivikanwa muZimbabwe nepasi rose.

Kubva 2002 kusvika 2007, akadzidzisa zvemimhanzi nemitambo paAfrica University, paMutare School of Music uye achidzidzisawo marimba nekutamba kuvadzidzi vasinganzwe pasangano reNzeve. Mumakore ose aya, akasimudzira Ntswai Ntswai kubva mukuve chikwata chemunharaunda kusvika chave nehunyanzvi hwekuridza marimba, mbira, ngoma nehosho nenzira inodakadza.

Piloto akambodzidzisawo kuzvikoro zvakasiyana zvinosanganisira Marymount Teachers’ College, Mutare Teachers’ College, Mutare Polytechnic, St Dominic’s High School nezvimwe zvakawanda.

Basa rake rakamuendesa kuMozambique, South Africa neGermany, achidzidzisa pamwe nekuparadzira mhanzi yemuZimbabwe.

Nekusvika pasi rose uye nekuve nemidzi yemuno, Piloto zvechokwadi mumiriri wetsika nemagariro uye mhanzi yechinyakare wemuZimbabwe.

Related Posts

Madzimambo oronga bira reLake Kariba

Muchaneta Chimuka MAMBO Ngezi, VaPeter Pasipamire, vekuMhondoro – Ngezi mudunhu reMashonaland West vanoti zvakakosha kuti paitwe bira kuLake Kariba senzira yekuchenura zvichitevera njodzi yengarava iyo yakauraya vanhu vakawanda uyewo nechinangwa…

Mwedzi 6 mujeri afukunura guva ratete

Munyori weKwayedza MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court. Jasi,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *