Haisi katsi, chidhoma: N’anga

Munyori weKwayedza —
SEKURU Thomas Yakiti Mukunguta (48) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanoti iyi haisi katsi iri yoga asi kuti ine chekuita nemishonga yezvidhoma.

“Vanhu vasafunge kuti ikatsi iyi, asi kuti chikwambo kana kuti chidhoma sezvo muchiziva kuti kazhinji katsi dzinoshandiswa nevaroyi. Pamusha pakachema katsi kazhinji panogona kuitika rufu kana kuti hurwere hwakakura,” vanodaro.

Vanokurudzira vakuru vemusha uri kushungurudzwa nekatsi iyi kuti vatsvage n’anga dzinogona kuvabatsira.

“Honai inonzi yaitemwa nematombo asi ichiramba kufa, kureva kuti vanhu mumaziso vari kuona katsi, asi chidhoma kana kuti chikwambo chakatotumwa kuzokanganisa vanhu,” vanodaro. Vanokurudzirawo vanhu vakarumwa nekatsi iyi kuti varapwe nemishonga yechivanhu pane kungomhanya kuzvipatara sezvo vachiti vanogona kunge vakaiswa hunye hunovakanganisa pakurarama kwavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×