Haisi nyaya yemari: Fury

TYSON Fury anoti haasi kusangana naDeontay Wilder senzira yekutsvaga mari nechimbi-chimbi apo vaviri ava vachasangana kuLas vegas munguva inotevera.

Shasha iyi – iyo inozvidana kuti Gypsy King –  akashoropodza mashoko aya achiti chaari kufunga chete parizvino kurwira bhande reWBC.

Fury acharwa nemutambi wekuAmerica uyu zvichitevera kukunda kwaakaita Francesco Pianeta kuBelfast mwedzi wadarika.

Mutambi uyu – uyo anozivikanwa saBronze Bomber – akauya akakanganisa chiitiko chemuEuropa Hotel zvakanetsa izvo zvakazotuma kuti vatambi vaviri ava varwe ndokuzopatsanurwa.

Asi, Fury anoti hazvina basa handizvo vatsigiri vetsiva vakamirira, uye ari kungotarisira mutambo wake unotevera chete.

Achitaura paInstagram achiudza vanhu vanomutevera svondo rino anoti, “Ndiri kugara ndichinzwa vanhu vachiti Wilder ane simba rekuuraya, ane simba rekurova munhu kusvika aita chadzimira uye ndapindira mumutambo uyu nekuda kwemari, handizvo izvi.

Deontay Wilder

“Izvezvi ndokuudzai kuti izvozvo zvese ndezvenhema. Deontay Wilder ane simba guru maari sezvakanganofanana nevamwe vatambi vetsiva muboka reheavyweight. Wladimir Klitschko airova zvinorwadza zvikuru asi hazvina kumbondikanganisa.

“Iri  nyaya yemari yemutambo uyu, mamiriyoni mashoma haasi kuzondivaka kana kundiputsa ini, regai ndikuudzei izvozvo vakomana nevasikana. Handimbokundwe mutambo ndichirwira 100 miriyoni paunzi, musafunge nezvemari yandichapihwa kuti ndirwe naWilder.

“Haisi nyaya yemari nekuti kune vanhu vakawanda kunze uko vane mari dzavo asi kwandiri inyaya yetsiva chete uye nekuhwina bhande randisati ndambohwina.

“Kana tsiva yapera, chii chasara? Hapasisina tsiva, hapasisina hupenyu. Ndiko saka Canelo Alvarez akati – uye ndinofunga kuti ichokwadi – kuti ndirimo mumutambo uyu kuzohwina uye ndive mutambi wepamusoro.”

Vaviri ava vacharwira bhande reWBC muna Zvita. – SportsMail Football

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×