Haisi rovambira yakavaruma

ROVAMBIRANDINE urombo zvikuru nekufa kwemudzimai akarumwa nenyoka pagungano remadzimai kuBuhera. Semunhu akakurira kumusha, ndinotya nyoka, uye ndinoziva mhando dzenyoka dzakawanda nehunhu hwadzo zvekuti ndinofunga kuti nyoka yakaruma amai vekuBuhera vakabuda muKwayedza yesvondo rakapera haisi rovambira.

Pane zvinhu zvinoita kuti ndirambe kuti nyoka yakaruma amai ava irovambira, nyangwe zvazvo vanhu veko vari kuti irovambira.

Chekutanga, rovambira kana kuti mhungu haina ganda rine ruvara rwutema setsito – asi ine ruvara rwebrown. Kana ikange iri nhema, hutema hwayo hwakada kunoti chenerukei, iya inonzi grey pachiRungu.

Dzimwe dzacho dzinotori neruvara rwunenge rwemashizha asi rwuri rweinonzi olive green pachiRungu. Chakasviba panyoka yerovambira kana kuti mhungu mukanwa mayo. Kazhinji isati yaruma chinhu kana ichinge yashatirwa, inotanga nekushama mukanwa mayo kuita sezvinonzi iri kuyambira kubudikidza nekuratidza rima kana rufu rwuri mukanwa mayo.

Rovambira kana kuti mhungu hairebe sezvakataurwa munyaya yekuBuhera iyi. Nyoka yakaruma amai vakazofa ava yakanzi yaive yakareba chaizvo, zvekutosvika mamita gumi.

Marovambira akarebesesa anowanzosvika pamamita mana nechidimbu (4,5 metres).

Kazhinji rovambira hairebe kusvika pa4,5 metres idzi, asi inowanikwa iri pakati pemamita 2,5 kusvika 3,2.

Saka iyi yekunzi yakanga yakareba mamita anoda kusvika gumi haisi rovambira.

Nyoka inoedzesera kusvika kumamita gumi ishato asi inozoperera pamamita 8, uye ishato shoma dzinosvika pahurefu uhwu.

Kune dzimwe mhando dzenyoka dzinodawo kureba seshato dzinonzi maAnaconda, asi idzi hadziwanikwe muZimbabwe.

Nyoka yekuruma amai vekuBuhera inonzi yakavaruma kaviri nguva dzave kuma 4 zuva ronodoka, asi vakazofa dzave kuma 1 kunze kwave kunoyedza. Rovambira ndiyo nyoka ine huturu hwakanyanya kusimba panyoka dzose dzinowanikwa muAfrica.

Nyoka iyi inozivikanwa nekuva nehuturu hunouraya munguva dikidiki yekunge munhu arumwa. Tumadonhwe tuviri chete twehuturu hwerovambira twunogona kuuraya munhu.

Vanhu vanorumwa nemarovambira vanogona kufa mushure memaminitsi 20, asi vazhinji vanofa mushure memaminitsi 30 kusvika kumaawa matatu kana kudarika zvishoma kana vasina kurapwa.

Nyoka yekuBuhera yakanzi yakanga yakakora zvekuenzana nemutswi.

Rovambira haikore saizvozvo nekuti dai yaikora saizvozvo hayaizokwanisa kumhanya sezvainoita.

Nyanzvi dzinoti rovambira ndiyo nyoka inomhanya kudarika nyoka dzose pasi rose zvekuti inokwanisa kusvika paspeed ye4,32 kusvika 5,4 metres pasekondi kana kuti mukubwaira kweziso. Kana rovambira yave kumhanya pakareba, inogona kutosvika 19 kilometres paawa imwe chete.

Nyanzvi dzinoti kana rovambira ichinge yaona kuti pairi pashata zvekuti inogona kuurayiwa, inosimudza chikamu chikuru chemuviri wayo kubva pasi zvekuti inopedzisira yamira kuti dzi. Zvikamu zviviri zvemuviri wayo kubva muzvitatu zvinogona kusimuka kubva pasi zvichienda mudenga mamita ari pakati pe1 ne1,2.

Kana yasimuka kudaro, inobva yafutisa huro sezvinoita mhakure, yobva yashama muromo wayo kuti iratidze mukanwa mayo mutema.

Nyanzvi dzinoti rovambira inoita izvi senzira yekuzvidzivirira kuti njodzi yainenge yatarisana nayo itye.

Kana rovambira yave kuruma zvekuti izvidzivirire, inoruma kakawanda uye ichiita ruzha rwekushinyira zvikuru.

Kazhinji kana yaruma kudaro, rovambira inobva yakurumidza kusvosvoma ichibva panzvimbo ipapo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *