CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Vekunwa hwahwa vanotanga kukotonoka vachiuya pamba apo sezvo Fadza ainge asina kuhodha hwahwa hwakawanda musi uyu, vanhu ndokuenda zvavo, shasha ndokusara dzichizvibaya nehwainge hwasara hwavo chete. Roddy munhu anofarira kangopisa zvikuru. Ndipo paanoburitsa muhomwe dzake ndokugadzika pakatafura kavainwira vanhu ndokuhudhudhudza kunge vari kunwa mvura.
Nenguva isipi, Fadza anotanga kutadza kugara zvakana Sekai ndokubva angoti rashu pasofa munhu ndokuzoitwa kusimudzwa ava kuendeswa mumba yairara Irene umo akazorara naRobby munhu kana kumboziva kuti vaive varara sei. Mangwana acho apedza kudya kwaipedza bhabharasi kwakaita senyama yakagochwa, mazai nechiropa, Fadza anoparura nyaya yake.
Anotaurira vose kuti Sekai aive akanhonga kabokisi kaive nematombo anovaima kwava kuenda nawo kuna Mugadzi uyo akaaisa musefa maaichengetera mari yaaiwana mwedzi woga woga. Zvino Sekai ari kutsvaga wekuatengesera asi haana rezenesi rawo.
Zvino apo Sekai akadzokera kunotora mbatya dzake akatora kiyi yesefa asi akashaya mukana wekuvhura achitora matombo aya. Anovaratidza kiyi yacho iyo Mugadzi asati aziva kuti haisisipo.
Zvino Sekai ari kubvunza kuti vanaRobby vangawana here shasha dzinogona kunovhura sefa nekutora matombo aya nemari irimo dzosiya dzadzorera kiyi yacho painogara.
Hapana anotaura, Fadza ndokuenderera mberi achiti izvi zvaida kuti zviitwe mwedzi iwoyu usati wapera. Mugadzi anoswera ari kubasa pamba pake pachiswera mukadzi wake chete. Roddy anozoti nyaya iyi yakaoma asi hainetsi. Anoda kuziva kuti Sekai akaregerei kuenda kumapurisa.
Fadza anoti hapana nezvaataura, uku kungave kupfumisa hurumende Sekai ari rombe. Roddy naRobby vanotarisana ndokunyemwererana, Fadza ndokushaya kuti zvinorevei.
Roddy anoona kusumana kwekumeso kwaFadza, ndokukumbira nguva yekuti vambofunga. Fadza anoti vanofanira kufunga nekukurumidza, mari kana vaiwana ndeyavo vose vari vana.
Roddy anoti ane matsotsi avanoziva akawanda asi vanozoda mari pakuita basa iri. Roddy anobva ati kuna Robby vaende vambonoona vamwe vapfanha vaviri vavanovimba navo.
Vava vaviri, Roddy ndiye anotanga kutaura achiti vakadzi ava vakapusa chaizvo, vanotovatora sevanhu vanosevenza idzo dziri mbavha dzemakoko. Roddy anoti vanongotamba yavakatamba mukomana aishanda panze wekuHighlands, uyo vakanyepera kuti vaive vanhu vanogadzira magetsi nekudaro vainge vauya kuzoona maplugs avo ainge asiri kuisa moto wakawanda.
Varonga kuti remangwana racho vomboswera vakatarisa imba yaMugadzi voona kuti murume wacho anoswera kubasa zvechokwadi here. Kana vaona kuti Mugadzi anoswera kubasa zvechokwadi, voita zvavanoda kuita neChipiri. Vanoenda kumba kwaRoddy kudzimba dzemunhurikidzwa kwava kugadzirira zvombo zvavo zvaizovaita kunge vanhu vemagetsi. Mbavha mbiri idzi ishasha mukuba. Pavanosvika kumba kuZengeza vanoudza Fadza kuti ati doro rapera kuti vagowana matauriro.
Vaudza Fadza naSekai kuti vawana vakomana asi vati vanoda uyu mazana maviri uyu maviri kuti vaite basa racho uye vati vanotanga basa iri Chipiri kana Chitatu vambotanga vamboongorora imba yacho. Panobvunzwa kuti ko vakazowana musina vanongovapa mari here ndokuudzwa kunzi vainge vavaudza kuti kana vashaya vaizovapa chidimbu cheyavainge vataura.
Ramangwana vana Robby vanopihwa nhamba yemba yaMugadzi ndokuswera vachiongorora imba iyi ndokugutsikana nezvavainge vaona. Vava muhotera vachinwa hwahwa, Roddy anopa pfungwa yekuti kana vakatiza nemari iyi vakadzi ava vangavaita sei.
(Enderero mberi svindo rinouya.)



