Zimbabwe yotenga matani 800 000 echibage

Takunda Maodza ari kwaMUTARE
ZIMBABWE ichatenga chibage chinosvika matani 800 000 zvichitevera kusanaya kwemvura zvakanaka mwaka wadarika asi hakuna munhu wemuno achaziya nekuda kwekushaya chikafu, vanodaro mutungamiri wenyika President Mnangagwa.

Nyika ino pari zvino iri pakati pekuita hurukuro nedzimwe nyika dzinosanganisira Tanzania, iyo yakavimbisa kubatsira padambudziko rekushomeka kwechibage iri.

Vachitaura vari kuChipinge svondo rapera kugungano revanhu mushure mekuvhura mugwagwa weNgundu-Tanganda Highway — uyo wakagadzirwa nemari inosvika $20 miriyoni – President Mnangagwa vanoti Hurumende ichatora matanho ekuona kuti hapana munhu anozofa nenzara munyika muno.

Vanosimbisisa kuti chikafu cherubatsiro hachizi kuzopihwa zvichitariswa kuti munhu anotsigira bato rezvamatongerwo enyika ripi.

“Tinoda matani echibage anosvika 800 000 nekuti chinangwa chedu ndechekuti pasave nemunhu anofa nekuda kwenzara,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoti mashoko ari pamusoro pemhuri uye nzvimbo dzinoda rubatsiro rwezvekudya anofanirwa kufambiswa negwara chairo kusvikira asvika kuHurumende.

“Bazi redu rinoona nezvekubatsirwa kwevanoshaya richitungamirirwa naMinister (Sekai) Nzenza rinoda kupihwa mashoko nemasadunhu kana masabhuku, avo vanoziva vanhu vavo zvakanaka, kuti dzimwe mhuri dziri muChipinge kana kuti pano paKondo dzatarisana nenzara,” vanodaro President.

“Makanzura anofanira kuziva mamiriro echikafu mumawadhi avo. Mashoko ari pamusoro pemamiriro echikafu anofanira kufambiswa negwara chairo kuitira kuti vanhu vabatsirwe nezvekudya.”

President Mnangagwa vanoti vamiriri vematunhu akasiyana vedare reParamende vane basa guru rekuona kuti Hurumende yaziviswa maringe nezvenzvimbo dzinenge dzichida rubatsiro rwechikafu.

“Saka, hatisi kusarudza kuti ava ndeve MDC kana rimwe bato rezvematongerwo enyika, tinopa munhu wose chikafu nekuti zvizvarwa zveZimbabwe.

“Uri chizvarwa cheZimbabwe, unopihwa chikafu. Hurumende yeZanu-PF haisarudze, hatidi kuti pave nechizvarwa chemuZimbabwe chinofa nekuda kwenzara,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti Hurumende iri kuita hurukuro nenyika dziri mudunhu reSadc pamusoro penyaya yerubatsiro rwechibage uye imwe yenyika idzi iTanzania, iyo iri kuratidza chido chekubatsira Zimbabwe.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *