Mwanakomana oti amai munofa rinhi sevamwe . . . anoda kusara achitora imba

Kingstone Mapupu

CHEMBERE ine makore 72 ekuberekwa inobva mumusha weOverspill kuEpworth inoti yaoneswa nhamo nekugara ichirohwa nemwanakomana wayo anova gotwe achiti inofa rinhi kuitira kuti asare achitora imba yairi kugara.

Gogo Annah Vasco vanoti vari kushungurudzwa zvakanyanya nemwanakomana wavo, Tafadzwa Sipinyu (30), uyo anotora zvinodhaka neshamwari dzake.

Tafadzwa akatosungwa uye akamirira kupinda mudare  nemhosva yekurova pamwe chete nekutuka amai vake.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwaTafadzwa.

“Tinayo nyaya yemurume uyu wekuEpworth, Tafadzwa Sipinyu (30), uyo ari kurova amai nekuda kwekuti vabve pamba asare achigara pamba iye sezvo baba vake vakafa. Akasungwa uye ari kutarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Chakanza.

Vanoyambira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka sezvo zvichikonzera matambudziko akawanda ayo anosanganisira kupara mhosva dzakasiyana nekushungurudza vabereki.

“Vabereki vedu vanounganidza pfuma saka vana ngatisiyanei nekuvashungurudza kana mumwe wavo ashaika. Vanotengesa zvinodhaka nguva yavo yapera, vari kusungwa vachiendeswa kumajeri zvakare sezvichaitwa uyu anorova amai,” vanodaro Insp Chakanza.

Zvakadai, Gogo Vasco vanoti vakarohwa zvakanyanya naTafadzwa vakazoenda kunomhanara nyaya iyi kumapurisa ekuZRP Dombo kwakare kuEpworth.

“Mushure mekurohwa zvakaomarara nemwana uyu, ndakazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP ekuDombo kuno kuEpworth,” vanodaro Gogo Vasco.

Vanoti Tafadzwa ari kuvarwisa nechikonzero chekuti anoda kuvabvisa pamba pavo sezvo murume wavo akashaika.

“Ini ndakaberekerwa kumapurazi kuCentenary kwakazoshaikirawo vabereki vangu. Ndakazoroorana nemurume wangu, Bharebho Sipinyu, vakazoshaika nemusi wa24 Gumiguru mugore ra2022. Ndiri shirikadzi, handina anondiriritira kunze kwevamwe vana vangu vashanu vasara,” vanodaro Gogo Vasco.

“Mumashoko ake ekutuka anotiwo ndanonoka kufa sei ndisingafe sezvinoita dzimwe chembere kuitira kuti atore imba iyi.”

Vanoti murume wavo akashaika Tafadzwa ave kutotora zvinodhaka.

“Dambudziko rakazotanga baba vafa ava kuti ndibve paimba yandakasiirwa nemurume wangu achiti imba yake. Anoti paimba iyi hapataure kuti Vasco inova ‘surname’ yangu asi kuti panotaura kuti Sipinyu. Anondirova achida kundibaya nebanga, izvozvi ndakaminyuka gumbo achindidzingirira achida kundirova. Vagari vemuno muEpworth vanoziva dambudziko rangu rekugara ndichirohwa, vakada kundidzivirira anodzingirira vanhu ava nebanga nematombo vondisiya ndichingorohwa,” vanodaro Gogo Vasco.

Vanoti imwe nguva vanotizira kuvavakidzani uko Tafadzwa anotevera achivavhundutsira kuti vavadzinge.

“Mwana uyu anotora mutoriro, doro retumbwa sekunzwa kwandakaita nekuputawo mbanje nekunwa rimwe doro riya risingabvumidzwe. Anorova zvakaipa kamuzukuru kandinogara nako achida kukacheka nebanga apo ndinozopindira obva atanga kundirova. Pakundituka, anonditi ndiri pfambi achiti ndakauraya baba vake kuti nditore imba,” vanodaro Gogo Vasco.

Vanoti vakambomumhan’arira kumapurisa kanokwana katatu akaendeswa kumatare edzimhosva uko akanopihwa chirango chake asi haasandure hunhu hwake.

“Anoba chikafu chandinotengerwa nevamwe vana achienda kunotengesa kuti awane mari yemutoriro nekutenga mbanje nerimwe doro. Haana kuroora kana musikana wake hapana wandinoziva nekuda kwechikonzero chedoro iri. Ndaifunga kuti sagotwe achandichengetawo zvino ndiye atova mhandu yangu anoda kundiuraya nekuda kwemba,” vanodaro Gogo Vasco.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×